Accessibility links

Breaking News

Makwikwi eFIFA World Cup 2022 Otarisirwa Kutanga kuQatar neSvondo, Nyika Iyi Ichisangana neEcuador


Mungororori wemutambo wenhabvu uye ari mutambi, Brian Musekiwa.
Mungororori wemutambo wenhabvu uye ari mutambi, Brian Musekiwa.

Makwikwi eFIFA World Cup 2022 ari kuparurwa neSvondo kuQatar apo nyika iyi iri kusangana neEcuador mumutambo wekutanga wemakwikwi aya.

Muongorori wemutambo wenhabvu uye ari mutambi, Brian Musekiwa, anoti ari kufara chose kuti makwikwi aya azosvika sezvo anga akamirirwa nevanhu vose kwemakore mana.

This is the biggest stage yanga yakamirirwa nemunhu wese inouya after every four years, saka ndinokurudzira vanhu vese kuti vaone mitambo yose vanakidzwe because World Cup inouya after four years,” anodaro Musekiwa.

Musekiwa anoti anoona mutambo wekutanga uyu uchibuda uri mangange achiti munhoorondo yemakwikwi aya kashoma kuti nyika inenge iri samusha ikundwe, kunyange hazvo Ecuador iine hunyanzvi hunozivikanwa kudarika Qatar.

Chikwata chekuAfrica chiri kutanga kutamba kumakundano aya iSenegal, iyo iri kusangana neNetherlands neMuvhuro.

Musekiwa anoti mutambo uyu uchange wakaoma sezvo Netherlands iri imwe yezvikwata zvinotamba zvakasimba mupasi rose, asi anoti Senegal ine mukana wekukunda nekuti ine vatambi vane hunyandzvi kuburikidza nekutamba kwavanoita mhiri kwemakungwa kuzvikwata zvepamusorosoro.

FIFA World Cup 2022
FIFA World Cup 2022

Zvimwe zvikwata zvemuAfrica zviri kumakwikwi aya zvinoti Cameroun, Tunisia, Morocco neGhana.

Vakawanda vanoti vari panyika dzemuAfrica vari kuisa mari yavo paSenegal iyo vanoti vanofunga kuti rwendo rwuno ingangopfuura makota fainaira ichienda mberi.

Makwikwi aya anosimbitwa muna Chikumi asi nekuda kwekuti kuQatar kunenge kuchipisa munguva iyi, FIFA yakaaendesa mberi kuna Mbudzi naZvita.

Musekiwa anoti anoona dzimwe dzeshasha dzenhabvu dziri kupisa nguva ino dzichitadza kuzodzoka zvakare mushure memakore mana, nekudaro anoti vanhu vanofanirwa kushandisa mukana uno kuona shasha dzavo dzisati dzaturika shangu dzenhabvu.

Hurukuro pamusoro peWorld Cup naVaBrian Musekiwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG