Accessibility links

Breaking News

Muimbi weChidiki, Tawanda Gunda, Anozivikanwa muMagitare saQ Shine, Ochemachema neKudhura Kunoita Nyaya dzeMimhanzi


Q SHINE

Muchirongwa chedu chemagitare chesvondo rino taita hurukuro nemuimbi wechidiki, Tawanda Gunda, uyo anozivikanwa mune zvemagitare nerekuti Q Shine anorondedzera nhoroondo yehupenyu hwake mune zvemimhanzi.

Q Shine anoti akatanga kuimba achiri kumusha kwaakakurira achirerwa nehama mushure mekushaya kwevabereki vake achiri mwana mudiki.

Anoti vehukama vaisafarira zvaaiita zvemagitare vachiti ndezvechirombe-rombe, vachimukurudzira kuti aite zvemabhuku.

Q SHINE
Q SHINE

Q Shine anoti akazoendawo kuguta reHarare mushure mekupedza chikoro uko kwaakazonotanga kubatawo nevamwe vaiitawo zvemagitare vachitsvagawo nzira murwendo huferu urwu, achibatsirwawo nevamwe vaive neruzivo kare.

Muimbi uyu anoti vamwe vevanhu vakamusimudza vanosanganisira Boss Kawara, uyo waanoti anomubatsira zvakanyanya mukubika kwake mimhanzi.

Q-SHINE - achiimba kambo kanonzi Musorobhangu.
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:32 0:00

Asi anoti mamwe ematambuziko aanochema nawo kushaya mari yekutsikisa mimhanzi, kugadzirisa mavhidhiyo nekushambadza mimmhanzi yake.

Padambarefu rake ane nziyo dzinoti "Musoro Bhangu" na"Zvandaizoda" idzo Q Shine anoti akaimbira vabereki vake.

Hurukuro na Tawanda Gunda aka Q Shine
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG