Accessibility links

Breaking News

Kushaikwa kweMagetsi muDare raMejasitiriti Kotadzisa Kunzwikwa kweChikumbiro chaVaSikhala Chekuti Vapiwe Mukana weKubvisa Chibatiso


Nhengo yeCCC vari mumiriri weZengeza West, Va Job Sikhala.

Kushaikwa kwemagetsi mudare ramejasitiriti muHarare kwatadzisa kunzwikwa kwechikumbiro chenhengo yebato reCitizens Coalition for Change, vari zvakare mumiriri weZengeza West muparamende, VaJob Sikhala, chekuti vapiwe mukana wekubvisa mari yechibatiso pamhosva yavari kupomerwa yekukurudzira mhirizhonga kuNyatsime.

Mutongi wedare, Muzvare Tafadzwa Mhiti, vatura mutongo wekuti nyaya iyi inzwikwe neMuvhuro svondo rinouya vachiti nyaya iyi haikwanise kunzwikwa pasina magetsi.

Mutongi wedare ati nyaya iyi yakakosha zvikuru zvekuti inoda michina inotapa mazwi painenge ichinzwikwa.

Muzvare Mhiti vatiwo izvi zvinoenderanawo nezvakatarwa nekomisheni inoona nezvekufambiswa kwenyaya mumatare, yeJudicial Service Commission, iyo yakatora danho rekuti kunzwikwa kwenyaya mumatare kunge kuchitapwa nemichina yechimanjemanje.

Mutongo wedare uyu unotevera chikumbiro chemuchuchisi wenyaya iyi, VaGeorge Manokore, avo vati michina yavo haikwanise kushanda pasina magetsi.

Chikumbiro ichi chapikiswa negweta raVaSikhala, Advocate Thabani Mpofu, avo vati dare raingokwanisa kunyora pamapepa zvinenge zvichisvitswa kudare vachiti rusununguko rwemusungwa chinhu chinokosheswa nebumbiro remitemo yenyika.

Rimwe remagweta aVaSikhala, VaJereniah Bamu, vatenda kuti izvi ndizvo zvaturwa nedare. VaBamu vatiwo vakatyamadzwa nemutongo uyu.

Vamwe vevanga vari mudare panyaya yaVaJob Sikhala.
Vamwe vevanga vari mudare panyaya yaVaJob Sikhala.

Mumwe wevanga vari mudare iri VaClifford Hlatshwayo veCCC, vatiwo vashamisika zvikuru nemutongo wedare uyu.

VaSikhala vave nemazuva anodarika zana nemakumi mashanu vari muhusungwa vachinyimwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva yekukurudzira mhirizhonga yavari kupomerwa.

Izvi zvinotevera kupambwa kwenhengo yebato ravo reCCC, Muzvare Moreblessing Ali kuNyatsime avo vakazowanikwa vakapondwa mushure memasvondo maviri pedyo nekuBeatrice mutumbi wavo wave kutoora.

Imwe nhengo yeZanu PF, VaPius Jamba, vakabvuma kudare kuti ndivo vakapamba nekuponda Muzvare Ali.

VaSikhala, avo vanove gweta remhuri yemufi, vakazosungwa pamwechete neimwe nhengo yeparamende yebato ravo, VaGodfrey Sithole, nevamwe gumi nevashanu zvichitevera mhirizhonga yakaitika kuNyatsime mushure mekupondwa kwaMuzvare Ali.

Vamwe vese, kusara kwaVaSikhala naVaFelix Biri, vakapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso svondo rapera.

Bato reCCC rinoti VaSikhala vari kushungurudzwa zvine chekuita nezvematongerwo enyika uye mhuri yaMuzvare Ali inoti haisi kuzobvuma kuviga mufi kudzamara VaSikhala vabuditswa mujeri.

Nyaya ina Frank Chikowore
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mune imwewo nyaya yekumatare, nhengo ina dzeCitizens Coalition for Change dzakasungwa kuChinhoyi dzichipomerwa mhosva yekubvundutsira nerufu mutungamiri weMDC, VaDouglas Mwonzora, dzakapiwa mukana wekubvisa mari yechibatiso mushure mekumiswa pamberi pedare neChitatu.

Nhengo ina idzi, idzo dzinoti VaGodfrey Makoko (38), VaJustin Taurai Munyaradzi (38), VaTawanda Bvumo (48) naVaDyke Makumbi (48) dzakanzi dzibvise mari yechibatiso inoita madhora emunyika zviuru makumi matatu, kana kuti ZWL$30 000.00 pamunhu, uye dzakanzi dzidzoke zvakare kudare musi wa 12 Zvita.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG