Accessibility links

Breaking News

ARTUZ Yoshushikana neKupambwa kweVarairidzi kuGokwe neve"Zanu-PF"


Sangano rinomirira vadzidzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti ARTUZ, rinoti nhengo dzaro mbiri dzakapambwa nezuro kuGokwe nevanofungidzirwa kuti inhengo dzebato reZanu PF dziri pakati pekunyoresa vana bvunzo. Asi bato reZanu PF riri kuramba kuti nhengo dzaro ndidzo dzakaita izvi.

Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure, vati varairidzi vaviri ava vanoti VaOnias Hwani naMuzvare Joice Jimu vakapambwa vari pakati pekunyoresa vana bvunzo nevanofungidzirwa kuti inhengo dzeZanu PF idzo dzavanoti dzaitungamirwa nasachigaro webato iri muGokwe South VaMafara Dube.

VaMasaraure vati varairidzi vaviri ava vakakwanisa kupukunyuka mumaoko evanhu vavanoti vakavapamba.

VaMasaraure vati varairidzi vanofanira kusiiwa vachitsigira mapato avanoda apo nyika yatarisana nesarudzo dzegore rinouya. Musarudzo zhinji dzakapfuura varairidzi vekumaruwa vaigara vakashurngurudzwa vachinzi vaitsigira mapato anopikisa.

Hatina kukwanisa kutaura naVaDube kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi. Asi mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vati zviri kutaurwa neARTUZ izvi hazvina humbowo hunobatika.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, VaAnesu Mahoko, vati titaure nemutauriri wemapurisa munyika yose, VaPaul Nyathi, avo vati vanga vasati vave neruzivo nezvenyaya iyi.

Mibvunzo yatatumira mutauriri webazi rinoona nezvedzidzo VaTaungana Ndoro yanga isati yapindurwa patatenda pamhepo.

Asi gurukota rinoona nezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi, vakaudza vatori venhau nezuro pakupeta kushanya kwakaita nhumwa dzesangano reCommonwealth dzanga dzichiongorora kuti Zimbabwe yagadzirira zvakakwana here kuti idzokere mugungano iri kuti kupambwa kwevanhu kunogara kuchitaurwa nevanopikisa hurumende chinhu chinoitirwa kusvibisa zita rehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

VaMnangagwa vakavimbisa veruzhinji pavakatora matomhu kubva kuna VaRobert Mugabe muna 2017 kuti vachaita zvose zvinodikanwa kuti veruzhinji vachengetedzeke uye kuti munyika muve nehutongi hwejekerere.

Asi mapato anopikisa pamwe nemamwe masangano anoshanda akazvimirira anoti hurumende yavo iri kuramba ichityora kodzero dzevanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG