Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kugadzirisa Nyaya dzeKodzero dzeVanhu neMitemo yeSarudzo Isati Yadzorwa muCommonwealth


Chikwata cheCommonwealth changa chiri muZimbabwe.
Chikwata cheCommonwealth changa chiri muZimbabwe.

Apo chikwata cheCommonwealth changa chiri munyika kuzoona kuti Zimbabwe inokodzera here kudzorerwa mugungano iri chakapeta rwendo rwacho nemusi weChitatu, zvizvarwa zveZimbabwe zvine maonero akasiyanasiyana pamusoro pehurongwa uhu.

Vamwe vari kuti chinhu chakanaka kuti Zimbabwe idzoserwe mugungano renyika makumi mashanu nenhanhatu, zhinji dzacho dziri dzaive pasi pehutungamiri hweBritain, asi vamwewo vachiti hurumende ichine zvakawanda zvainofanirwa kugadzirisa zvakaita senyaya dzekodzero dzevanhu.

Kushanya kwechikwata ichi kwakasanganidzanawo nekupiwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kwenhengo dzebato rinopikisa reCCC gumi neina dzakanga dzave kusvitsa mwedzi mishanu dziri muhusungwa mushure mekusungwa kuNyatsime dzichipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga.

Asi vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti chiitiko chekupiwa mukana kwevanopikisa ichi chakaitwa nehurumende kuti iratidze chikwata chaishanya ichi kuti munyika munoteverwa mitemo, asi vamwewo vachiti kumatare kune mitemo inoteverwa zvisineyi nezvematongerwo enyika.

Mutungamiri webato rinopikisa rinopikisa rePeople’s Patriotic Party, VaZvaringeni Samuel Chasi, vanoti zvakanaka kuti Zimbabwe idzoserwe muCommonwealth, asi inofanirwa kupindawo zvakare mugungano reInternational Criminal Court, uye kugadziridza mabatiro ayo nyaya dzekodzero dzevanhu.

VaChasi vanotiwo pamusoro pekodzero dzevanhu, hurumende inofanirwa zvakare kugadzirisa mitemo ine chekuita nesarudzo, uye inofanirwa kuzotariswa zvakare nesangano iri mushure mesarudzo dzegore rinouya isati yadzoserwa mugungano reCommonwealth.

Asi mutauriri weNational Constitutional Assembly, NCA, VaMadock Chivasa vanoti Zimbabwe inofanirwa kungodzoserwa mugungano iri pasina zviga kana zvirango zvainonzi itange yazadzisa.

VaChivasa vanoti kana paine zvinonetsa munyika vana veZimbabwe ndivo vanofanirwa kugara pasi vozvigadzirisa, kwete kuti vekunze kana masangano ekunze vapindire.

Chikwata cheCommonwealth ichi chakaita misangano nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, bato riri kutonga reZanu PF, mapato anopikisa anoti reCitizens’ Coalition for Change neMDC inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora, nhengo dzePOLAD, pamwe nevemamwe masangano akazvimirira.

Asi mamwe mapato ari kunyunyuta kuti haana kupiwa mukana wekusangana nechikwata ichi achipawo maonero awo panyaya iyi, vachiti vaidawo kupa mamiriro ezvinhu munyika, zvikuru munyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu.

Hurukuro naVaMadock Chivasa pamwe naVaZvaringeni Samuel Chasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG