Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe Chiri muSouth Africa, VaNdabambi, Voshuvira Kunotanga Zvirongwa Zvinopa Pundutso kuMusha


Mutyairi wegonyeti vari mumwe wevatungamiri veUnited Truck Drivers Association, VaBernard Ndabambi
Mutyairi wegonyeti vari mumwe wevatungamiri veUnited Truck Drivers Association, VaBernard Ndabambi

Muchikamu chedu chatinoita hurukuro nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, tine hurukuro nemutyairi wemagonyeti, VaBernard Ndabambi, vanove mumwe wevatungamiri vesangano rinomirira vatyairi vemagonyeti, reUnited Truck Drivers Association riri muSouth Africa.

VaNdabambi, avo vanobva kuGokwe mubhuku rekwaNdabambi vakaberekwa naVaPfichani, uye ivo vane mhuri yavowo yevana vanomwe, vasikana vatatu nevakomana vana.

Vanoti vakabuda munyika muna 2011 vachienda kuMozambique kunotsvaga mafuro manyoro mushure mekuona kuoma kwakanga kwoita zvinhu mune zvehupfumi, asi vakanoita dambudziko remutauro zvakazoita kuti vayambuke zvakare muganhu vachipinda muSouth Africa.

MuSouth Africa VaNdabambi vanoti vakaedza kutsvaga mabasa asi vaisangana nezvimhingamipinyi zvemagwaro ebasa adiwa nevaridzi vemakambi, kunyange hazvo basa ravo vairiziva.

Nekuda kwaizvozvo, vakapedzisira umo vanoti vave kuita mabasa akasiyanasiyana kusvika vazopinda pabasa rekutyaira magonyeti ravari kuita pari zvino.

VaNdabambi vanoti kunyange hazvo zvinhu zvakavarerukira munyaya dzekuwana mari, vanosangana nematambudziko akasiyanasiyana anosanganisira ekushungurudzwa nezvizvarwa zvenyika yeSouth Africa, uye kutambiriswa mari dzakasiyana nezvizvarwa zvenyika iyi nemamwe makambani,.

Vac hipindura kuti zvirongwa zvipi zvavari kuita kumusha, VaNdabambi vanoti vane shungu dzekuti vaite zvirongwa zvinovapa mari asi pari zvino vachiri kumboongorora kuti zvirongwa zvipi zvavangaite, uye zvakaoma nezvakareruka ndezvipi.

Hurukuro yaJonga Kandemiiri naVaBernard Ndabambi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG