Accessibility links

Breaking News

Commonwealth Inoti Vakawanda muNyika Vari Kuda Kuti Zimbawe Idzokere Mugungano Iri.


Gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi nemukuru wechikwata cheCommonwealth VaLuis Franschesci

Chikwata cheCommonwelath chakatumwa kuzoona kuti Zimbabwe inokodzera here kudzorerwa mugungano iri chapeta rwendo rwacho nhasi.

Vachitaura pamusangano wekupeta rwendo rwavo, Mukuru wechikwata ichi Muzvinfundo Luis Franschesci vati Zimbabwa yatora matanho akawanda anoendera nezviga zvakatarwa negungano ravo zvinoda kutedzwa nenyika dzinoda kupinda mugungano iri.

Vati gungano ravo rinoda chose kuti Zimbabwe idzoke muCommonewealth asi vakati inofanira kutevedza matanho mana ese anodiwa kuti izvi zviitike.

VaFranschesci vati Zimbabwe iri pachidanho chekutanga, uye vati vachanyora gwaro ravo iro richatumirwa kuvatungamiriri venyika dzese dzemugungano iri kuti vape pfungwa dzavo vasati vasati vaendaa pachidanho chinotevera. Havana kupa nguva kuti izvi zvichatora nguva yakadii.

Vati chimwe chakabuda munhaurirano dzavo kubva kumativi ese inyaya yekuti vanhu vemuZimbabwe vanoda kubatsirwa kuita nhaurirano dzekuti vagadzirise zvinonetsana munyika vakati vatapi venhau vanofanira batsira pakuita izvi.

Gurukota rezvemutemo VaZiyambi Ziyambi Ziyambi avano vange vachitungamira chikwata chehuru mende munhaurirano neCommonewealth vanoti Zimbabwe yatora matanhao akawanda ekuona kuti munyika maita hutongi hwejekerere sarudzo dzakachena pamwe nekuti vanhu vagara zvakanaka.

Zvichakadai mutungamiriri webato guru rinopikisa munyika, reCitizens Coalition for Change (CCC), VaNelson Chamisa, vanoti vanoda kuona Zimbabwe yakagadzikana, ichidyidzana nedzimwe nyika uye bato ravo rinoda kuona nyika ichidzoak mugungano reCommonwealth. Asi vavati izvi zvinoitika chete kana vana veZimbabwe vakabatana.

Vaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vakaburitsa Zimbabwe muCommonwealth mushure mekunge Zimbabwe yambomiswa kuve nhengo yesangano iri ichipomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu muna 2003.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG