Mumwe mubatanidzwa wemasangano evashandi, weZimbabwe Federation of Trade Unions, ZFTU, uri kukurudzira hurumende pamwe nemakambani akazvimirira kuti vabhadhare vashandi vavo mari dzemabhonasi dziri mumadhora ekuAmerica uchiti kuvabhadhara nemadhora emunyika kuno ita kuti varasikirwe nehuremu hwemari dzavo.
Munyori mukuru weZFTU, VaKennias Shamuyarira, vanoti nekuda kwekuderera kwesimba redhora remunyika richienzaniswa nedhora rekuAmerica, mushandi akatambiriswa bhonasi yake iri kumadhora emunyika haazooni kukosha kwedikita rake.
VaShamuyarira vanoti nekuda kwaizvozvo pamwe nekutsemura mari yacho kuti ibhadharwe mukati memwedzi maviri kunoitwa nevamwe vashandirwi, bhonasi haichina chiremera sechayaive nacho makore ekare.
Vashandi vakawanda vanonzi vari kutarisira kutambiriswa mabhonasi avo kutanga mwedzi uno, uye hurumende yakatozivisa kuti ichange ichibhadhara vashandi vayo mabhonasi avo, pamusoro pezvo vopiwa zvakare mazana maviri emadhora ekuAmerica sebhonasi inobva kumutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
Vamwe vashandi vehurumende vari kutarisira kutanga kuwana mabhonasi avo svondo rino.
Facebook Forum