Accessibility links

Breaking News

Hurumende, Makambani Akazvimirira, Vokurudzirwa Kubhadhara Vashandi Mari dzeMabhonasi Avo Ari muMadhora ekuAmerica


Vashandi vehurumende vachiratidzira. Hurumende yakatozvisa kuti gore rino ichapa vashandi vayo mari dzemabhonasi.
Vashandi vehurumende vachiratidzira. Hurumende yakatozvisa kuti gore rino ichapa vashandi vayo mari dzemabhonasi.

Mumwe mubatanidzwa wemasangano evashandi, weZimbabwe Federation of Trade Unions, ZFTU, uri kukurudzira hurumende pamwe nemakambani akazvimirira kuti vabhadhare vashandi vavo mari dzemabhonasi dziri mumadhora ekuAmerica uchiti kuvabhadhara nemadhora emunyika kuno ita kuti varasikirwe nehuremu hwemari dzavo.

Munyori mukuru weZFTU, VaKennias Shamuyarira, vanoti nekuda kwekuderera kwesimba redhora remunyika richienzaniswa nedhora rekuAmerica, mushandi akatambiriswa bhonasi yake iri kumadhora emunyika haazooni kukosha kwedikita rake.

VaShamuyarira vanoti nekuda kwaizvozvo pamwe nekutsemura mari yacho kuti ibhadharwe mukati memwedzi maviri kunoitwa nevamwe vashandirwi, bhonasi haichina chiremera sechayaive nacho makore ekare.

Vashandi vakawanda vanonzi vari kutarisira kutambiriswa mabhonasi avo kutanga mwedzi uno, uye hurumende yakatozivisa kuti ichange ichibhadhara vashandi vayo mabhonasi avo, pamusoro pezvo vopiwa zvakare mazana maviri emadhora ekuAmerica sebhonasi inobva kumutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Vamwe vashandi vehurumende vari kutarisira kutanga kuwana mabhonasi avo svondo rino.

Hurukuro naVaKennias Shamuyarira
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG