Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Women Against Corruption Trust Inoti Vanhukadzi Vaona Nhamo Nekubhadhariswa yeChiwokomuhomwe


ZWACT logo
ZWACT logo

Rimwe sangano rakazvimkiirira rinorwira kodzero dzemadzimai nevanasikana reZimbabwe Women Against Corruption Trust (ZWACT) rinoti vanhukadzi nevasikana ndivo vari kunyanya kutambudzwa nenyaya dzehuori dziri kuitika munyika.

ZWACT inoti hurumende inofanirwa kupindira uye kubatsira mukuona kuti vanhukadzi vakwanisa kumhan`ara nyaya dzehuori vasingazikanwi kuti hurumende igoongorora nekusunga vanhu vanoita izvi.

Mukuru weZimbabwe Women Against Corruption Trust, Muzvare Sandra Matendere, vanoti mabasa anoitwa nevanhukadzi ndiwo anoita kuti vasangane nezvehuori kudarika vanhurume, vachiti madzimai anobvisiswa mari yechiwokomuhomwe kuzvipatara, kuzvikoro kwavanonotsvakira vana nzvimbo yechikoro, kwavanonotsvaka mvura yekushandisa mudzimba, kumahofisi ehurumende kwavanotora magwaro ekuzvarwa kwevana nedzimwe nzvimbo.

Muzvare Matendere vanoti madzimai anotya kutaura pamusoro pemari dzavanobvisiswa idzi nekuti vanenge vachida kubatsirwa uye vachitya kuti vakamhang`ara vanozozvikanda mukanwa mamupere.

Hatina kukwanisa kunzwa diri regurukota rezvemukati menyika VaKzembe Kazembe asi vanogara vachiikurudzira vanhu kuti vanhu vamhan`are nyaya dzehuwori kumapurisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG