Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe Chiri kuQatar Chotaura neZvegadziriro yeMakwikwi eFIFA World Cup 2022


Qatar 2022 (Doha, Qatar)
Qatar 2022 (Doha, Qatar)

Makwikwi eFIFA World Cup egore rino ari kutarisirwa kutanga neSvondo kuQatar vatsigiri venhabvu vachitarisira machikichori chaiwo.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muDoha muQatar VaArtwell Manyengavana vanoti gadziriro yemakwikwi aya iri kuratidza kuti yakaitwa zvakanaka uye vamwe vagari vekunedzimwe dzemuAfrica vari munyika iyi vari kutarisira makwikwi aya nemaziso matsuku.

"Mitambo mizhinji ichange ichitambwa husiku izvo zvakakosha sezvo nzvimbo yeQatar ichi pisa zvikuru, uye aka ndekukutanga makwikwi aya achitambirwa kuMiddle East," Vamanyengavana vaudza Studio7.

Mutambo wekutanga mumakwikwi aya neSvondo ndewe Group A pakati peQatar ne Ecuador.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG