Accessibility links

Breaking News

Mhuri yaMuzvare Moreblessing Ali Inoti Haizivi Kuti Mutumbi Wavo Uripi


Umsekeli webandla leCCC uNkosazana Moreblessing Ali othunjwe mhlaka 24 ngoNkwenkwezi.
Umsekeli webandla leCCC uNkosazana Moreblessing Ali othunjwe mhlaka 24 ngoNkwenkwezi.

Mhuri yaMuzvare Ali nhengo yeCitizens Coalition for Change yakapondwa kuNyatsime kuChitungwiza yaburitsa mashoko kuvatori venhau ichiti haisi kuziva kuti mutumbi wavo uri kupi.

Hanzvadzi yemufi, VaWashington Ali vati havasi kuziva kuti mutumbi wehama yavo uri kupi zvichitevera kutorwa kwawakaitwa nemapurisa. Wakambotanga waendeswa kuchipatara cheChitungwiza kuo wakapedzisira kuonekwa nehama negweta remhuri.

Gurukota rinoona nezvemukati menyika VaKazembe Kazembe vaudza Studio 7 kuti vachatanga vambonzwa kubva kumapurisa kuti mutumbi uyu uri kupi vasati vataura nevatori venhau.

VaPius Mukandi Jamba ndivo vakasungwa vachipomerwa mhosva yekuponda Muzvare Ali musi wa24 Chivabvu. VaJamba vakatenda kuti ndivo vakauraya Muzvare Ali ndokuvacheka cheka vasati vavakanda mutsime pedyo nepavaigara.

Mhuri yemufi yashorawo hurumende nekusunga gweta rayo VaJob Sikhala avo vari mujeri reChikurubi vachinyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso. VaSikhala nedzimwe nhengo dzeCCC vakasungwa vachipomerwa mhosva yekupezvedzera mhirizhonga. Vari kuramba mhosva iyi. Dzimwe nhengo gumi neina panhengo gumi nenhanhatu dzakasungwa dzapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Asi gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vakaudza Studio 7 kuti havapindire pane zvinoitwa nematare nemapurisa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG