Accessibility links

Breaking News

VaSikhala Vosiiwa Mujeri reChikurubi Dzimwe Nhengo dzeCCC Dzichiburitswa


Dare repamusoro rapa nhengo dzebato reCitizens Coalition for Change gumi neina mukana wekutongwa dzichibva kumba zvichitevera kusungwa kwadzakaitwa kuNyatsime dzichipomerwa mhosva yekuita zvemhirizhonga yezvematongerwo enyika.

Mutongi wedare repamusoro VaMunamato Mutevedzi vatura mutongo wekuti vasungwa ava vabhadhare mari yechibatiso inoita zviuru makumi mashanu zvemadhora ari maRTGS kana kuti 50, 000 pamunhu wegawega uye kuti vagare pakero dzavakanyoresa kumapurisa kudzamara nyaya iyi yapera kunzwikwa mumatare.

VaMutevedzi vati vasungwa ava vazvipire kumapurisa ari pedyo navo kaviri pasvondo kudzamara nyaya yapedza kutongwa uye kuti vasavhiringidze vafakazi.

Vakafanobata chigaro chemutauriri webato reCCC, Muzvare Fadzayi Mahere, vati vafara kuti vasungwa ava vapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso vachiti nhengo dzebato ravo idzi dzaifanira kunge dzakabuditswa muhusungwa karekare. Nhengo idzi dzanga dzave nemazuva zana neanoraudzira dziri muhusungwa.

Vasungwa ava vari kupomerwa mhosva yekuita mhirizhonga kuNyatsime zvichitevera kufa kwakaita imwe nhengo yeCCC, Muzvare Moreblessing Ali, avo vakazowanikwa mutumbi wavo wave kuora mushure mekupambwa kwavakaitwa neinofungidzirwa kuti inhengo yeZanu PF VaPius Jamba avo vakabvuma mhosva yekuvapamba nekuvaponda.

Zvichakadaro, kutongwa kwenhengo mbiri dzeparamende dzeCCC dziri kupomerwa kukurudzira mhirizhonga iyi, VaJob Sikhala naVaGodfrey Sithole, uko kwanga kwakatarisirwa kutanga nhasi kwatadza kubudirira mushure mekunge magweta evaviri ava apa zvikonzero.

Gweta raVaSithole, VaOliver Marwa, vaudza dare kuti vanoda nguva yekuongorora vhidhiyo inonzi nehurumende ndiyo yaichashandisa pakutongwa kwenyaya iyi kuroverera VaSithole.

Nekune rumwe rutivi, rimwe remagweta aVaSikhala, VaJeremiah Bamu, vaudza dare vave kuda kusvitsa chikumbiro chitsva chekuti VaSikhala vatongwe vachibva kumba kwavo vachiti pane zvachinja kubva VaSikhala pavakambonyimwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

VaBamu vakumbira dare kuti chikumbiro ichi chizonzwikwa nemusi weChishanu vachiti gweta, Advocate Thabang Mpofu ndivo vave kuzokakavara nyaya iyi mudare.

Chikumbiro chichasvitswa nemagweta aVaSikhala neChishanu chekuti vapihwe mukana wekutongwa vachibva kumba kwavo ichi chichange chave chechipfumbamwe kubva zvavakasungwa. Zvikumbiro zvese zvakambosvitswa kudare ramejasitiriti ne kudare repamusoro reHigh Court zvakaraswa nematare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG