Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Yoronga Kutora Zvivakwa "Zvakapambwa" neveZanu-PF Kuti Iwedzere Kiriniki yekuMbare


Meya weHarare VaJacob Mafume

Kiriniki yekanzuru iri mumusha weMbare yeEdith Opperman inonzi yave diki zvakanyanya pachitarisiwa huwandu hwevanhu vanobatsirwa panzvimbo iyi, Kanzuru yavimbisa kuti ichagadzirisa dambudziko iri.

Vachitaura mushure mekushanyira kirinika iyi nhasi kunobatsirwa avo vanenge vakazvitakura, Meya weguta reHarare vaJacob Mafume vati kiriniki iyi iri kubatsira vanhu vakawanda zvakanyanya vakati vanoshushikana nemadzimai akazvitakura anenge akamanikidzirana mukamuri imwe chete.

VaMafume vati sekanzuru vachaona kuti kiriniki iyi yavandudzwa kuburikidza nekushandisa zvivakwa zvekanzuru zviri pedyo nekirinika iyi zve Carter nePaget House.

Vati zvivakwa izvi zviri kushandiswa nevanhu vasina chavari kubvisa kukanzuru, dzinofungidzirwa kuti inhengo dzebato reZanu PF dzinogaropomherwa mhosva yekushandisa zvivakwa zvekanzuru zvisiri pamutemo zvichitora mari. Asi bato iri rinoti riri kuzorwa mafuta enguruve yarisina kudya.

Mukoti mukuru anoona nezvekirika iyi pamwe nemamwe makirinika ekanzuru kumusha weHopley, Waterfalls, Hatfield Arcadia neSunningdale Amai Lorraine Mukwemu vati vanoona vanhu vanosvika zvuru zvina pamwedzi wega wega uyewo pakirinika apa panobatsirirwa vana vanodarika mazana mashanu pamwedzi.

VaChuckie Makaza vanova sachigaro wekomiti inomiririra vagari munyaya dzezvehutano vatambira nemufaro mashoko aVaMafume ekuvandudza kirinika iyi.

Amai Linda Sherekete mugari wemuMbare avo vachangobatsirwa vanga vauya nemwana kukirinika vabvumawo nzvimbo iyi yave kuda kuvandudzwa.

VaMafume vashanyirawo kirinika yeNazareth pamwe neyeMabvuku vachiti ishuviro yavo kuvandudza makirinika ekanzuru kuti avewo nemichina yechizvino zvino nepekugara pevarwere pakanaka. Vati vanoda kuti vanhu vave nehutano hwakanaka vachiti izvi zvinogoneka.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG