Accessibility links

Breaking News

Vanhu Zana neMakumi Mashanu neMumwe (151) Vafa neChirwere cheMalaria Chopararira muNyika


Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kukurudzira veruzhinji kuti vaongororwe pamwe nekurapwa chirwere chemalaria icho chiri kuramba chichiuraya vanhu munyika.

Mutauriri webazi rezvehutano VaDonald Mujiri vati kusvika parizvino vanhu zana nemakumi mashanu nemumwe vafa nechirwere cheMalaria gore rino chete.

VaMujiri vati ongororo yavo yezvirwere yakaratidza kuti pavhiki ra17 kusvika 23 Gumiguru vanhu churu chimwechete nemazana matanhatu nemakumi mashanu vakabatwa nechirwere ichi vazhinji vari vekuMashonaland East kwozotevera Mashonaland Central province. Bazi rezvehutano rinotiwo vanhu vana vakafa panguva imwechete iyi nechirwere vaviri vari vemuHarare.

Vachitaura neStudio 7 mukuru anoona nezvehutano mukanzuru yeHarare, Doctor Prosper Chonzi vatiwo kunyangwe muHarare manga musina dambudziko rechirwere ichi ravemo. Dr Chonzi vanoti zvakakosha kuti vanhu vaongororwe chirwere ichi vakaita zviratidzo zvekuti vabatwa nacho.

Bazi rezvehutano rinoti zvikamu zvinodarika gumi nezviviri kubva muzana zvevari kubatwa nechirwere chemalaria munyika vana vari pasi pemakore mashanu.VaChonzi vati vana ava vanowanzobatwa nemalaria sezvo vachinyanyotambira panze uye vasingagoni kukurumidza kutaura kana vachidzimbikana nemuviri.

Dr Chonzi vatiwo kuzvipatara zvekanzuru kuongororwa malaria kunoitwa pachena uyewo mishonga yechirwere ichi inopiwa pachena.

Nyanzvi munezvehutano uye vaimbova gurukora rezvehutano Doctor Henry Madzorera vati chirwere chemalaria chirwere chinorapika. VaMadzorera vati hurumende inofanirwa kupfapfaidza mishonga munogona kuberekera humhutu kudzivirira ndufu dzechirwere ichi

Dr Madzorera vatiwo veruzhinji vanofanirwa kuzvidzivirira kuchirwere ichi kuburikidza nekuzvivhara muviri kana vachinge vari panze husiku uyewo kushandisa zvinodzinga humhutu kana vari mudzimba dzavanorara.

VaMujiri vatiwo hurumende yakatotanga chirongwa chekupfapfaidza dzimba kumatunhu makumi maviri nemashanu uye vari kutarisira kubatsira vanhu vanosvika mamiriyoni maviri nezviuru mazana masere kana kuti 2.8 million.

Bazi rezvehutano ririkukurudzira kuti avo vanopihwa mambure ekudzivirira humhutu vanofanirwa kuashandisa sezvinotarisirwa vachiti vamwe vanoguma voshandisa mamwe mabasa vachizviisa panjodzi yekubata malaria.

Ko munhu anoziva sei kuti abatwa nechirwere ichi? Nyanzvi dzinoti anotanga kupisa muviri, kurutsa, kutemwa nemusoro, kuneta. Manyoka nekungorwadziwa nemuviri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG