Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vokurudzirwa Kuvhenekwa Chirwere cheShuga neKudya Zvine Hutano


World Diabetes Day
World Diabetes Day

Zimbabwe nhasi yatabatana nenyika dzepasi rese kucherechedza zuva rechirwere cheshuga kana kuti World Diabetes Day veruzhinji vachikurudzirwa kuvhenekwa navanachiremba, kudya chikafu chine hutano uye chinoita kuti vasabatwe nedenda iri.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzashandisa zuva ranhasi kuongorora vanhu pachena pamwe nekuvadzidzisa pamusoro pudenda iri.

Mumwe murapi pane chimwe chipatara chakazvimirira muHarare, Amai Fungai Priscillar Gomba vati hirwere cheshuga chiriri kupararira munyika asi munhu anogona kurarama pasina dambudziko kana atavedza dzidziso kubva kunana chiremba.

Vanoti zvimwe zvikonzero zvinoita kuti vanhu vabatwe shuga kana kuti diabetes inyaya yekuzvarwa mumhuri ine nhoorondo yechirwere ichi, mararamire anoita munhu nechikafu chaanodya kana kuti kuti Lifestyle pachirungu.

Vaenderera mberi vachiti vashandisa zuva ranhasi kungorora vanhu kuti vane denda iri here pamwe nekuti vangararame sei vasingapinde munjodzi.

Imwe nyanzvi munyaya dzekuongorora zvirwere, VaEdmore Mahureva, vanoti vashandisa zuva ranhasi kuita ongororo dzakaita seHBCa1 yekungoora shuga yemunhu mukati memwedzi mitatu yapfuura uye vaita izvi pachena vachiti zvinobatsira kuti munhu azive pamire nedenda iri.

Mutungamiriri wesangano remachiremba anoshanda akazvimirira, re Medical and Dental Private Practitioners Association Dr Johannes Marisa kuti nhasi vange vachibatsirawo vanhu pachena kuti vasafe nedenda iri.

Amai Maonei Tiki avo vakabatwa shuga muna Chikumi gore rino uye vakatobviswa gumbo nekuda kwedenda iri vanoti vafara chose neruzivo rwavawana nhasi.

Ambuya Agnes Zioni ndevamwe vari kurarama nedenda iri uye vanoti zvakakosha kutevedza dzidziso yanachiremba.

Gore rapfuura, shuga yakauraya vanhu vanodarika zviuru zvitatu nemazana manomwe kana kuti 3,400 uye zvinofundidzirwa kuti denda iri rinobata munhu mumwe chete pavanhu gumi pasi rese.

Zuva reWorld Diabetes Day iro rinocherechedzwa musi 14 Mbudzi, racherechedzwa pasi pendingindira rine chinangwa chekuti vanhu vawane zivo yakakwana kuti vakwanise kurapwa nekuita kurarama nzira dzinoita kuti denda iri risarambe richipararira kana kuti Education to Protect Tomorrow,

Hatina kukwanisa kunzwa divi kana mashoko ehurumende pazuva iri sezvo mutauriri webazi iri VaDonald Mujiri vange vasati vapindura mibvunzo yedu patataenda pamhepo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG