Accessibility links

Breaking News

Qatar neEcuador Dzichaparura Makwikwi eMukombe weFIFA World Cup neMusi weSvondo


Qatar 2022 (Doha, Qatar)
Qatar 2022 (Doha, Qatar)

Sangano remutambo wenhabvu, reEnglish Premier League, nezuro rakazivisa kuti mitambo yose yenhabvu ichambomiswa kusvika mwedzi unouya, 26 Zvita, kuitira kuti mutambo wenhabvu wepasi pose, weFIFA World Cup wapera.

Pasi rose, zvikwata zvenhabvu zviri munyika dzinotamba nhabvu dziri pasi pesangano renhabvu repasi pose reFIFA dzichambomira mitambo yenhabvu kusvika mutambo weWorld Cup wapfuura.

SOCCER-WORLDCUP/QATAR-FIFA
SOCCER-WORLDCUP/QATAR-FIFA

Rwendo rwuno makwikwi eFIFA World Cup achatambwa mumwedzi waMbudzi naZvita, (November-December), kwete mumwedzi waChikumi naChikunguru (June-July) semakore ose. Izvi zvinokonzerwa nekupisa kunoita munyika yeQatar, iri kutambirwa makwikwi e2022 World Cup.

FBL-WC-2022-STADIUM-KHALIFA
FBL-WC-2022-STADIUM-KHALIFA

Nyika makumi matatu membiri dzichakwikwidzira mukombe uyu kwemwedzi wose, kutanga svondo rinouya, musi wa20 Zvita apo Qatar ichatamba neEcuador.

Anoongorora nyaya dzemitambo, Brian Musekiwa, anoti kunyangwe hazvo dzimwe nyika dzichizivikanwa senyanzvi mumutambo uyu, makore ano hapachina nyika inonzi ndiyo shasha sezvo nyika zhinji dzava kutamba mutambo uyu nehumhizha hwakaenzana nenyika dzaimbotyisa munyaya dzenhabvu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG