Mutungamiri webato rinopikisa reMDC-T VaDouglas Mwonzora vanoti vakapihwa purazi nemotokari mbiri nehurumende. Asi varamba kuti “vadziya moto wembavha” sezviri kutaurwa nevamwe vanopikisa.
Panyaya yepurazi, VaMwonzora vaudza Studio 7 kuti vakanyorera kuti vapihwe muna 1998. VaMwonzora vati,”Kupurazi kwedu uku tiri kuita zvehuchi, zvekuchengeta hove nezvimwe, tiri kuita zvinhu zvakatiwandei zviri kupa mabasa vana vekuNyanga kunova kune purazi rangu.”
Panyaya yezvikakara zvemotokati zviri kutaurwa nebepanhau repadandemutande reNewsHawks, VaMwonzora vatenda kuti ichokwadi, “Ndakapihwa Benz neLand Cruiser.” Vati motokari idzi vakadzipihwa nekuti ndivo mutungamiri wemapato anopikisa mudare reparamemende kana kuti leadee of the opposition. Motokari yeBenz inonzi yakatengwa nehurumende ichida kupihwa VaNelson Chamisa vebato reCitizens Coalition for Change avo vakadziramba.
Motokari iyi yakapinda munyika gore rapera. Imwe motokaro yeLand Cruiser iiri kutarisirwa munyika chero nguva. VaMwonzora vakatora chigaro chekutungamira vanopikisa kubva kuna Doctor Khupe mushure mesarudzo dzakaita mutauro wakanyanya muna 2020.
Vakazozivisa muna Kukadzi 2021 kuti ndivo vave kutungamira vanopikisa muna 2021. Vanoti chigaro ichi chakafanana nechegurukota muhurumende nekutaura vanofanira kupihwa motokari.
Vanopikisa veCCC vanogara vachipomera vaMwonzora mhosva yekuita hwebhande nebhurugwa neZanu-PF nechinagwa chekuda kuvaparadza.
Vanoti izvi ndizvo zvakapa kuti VaMwonzora vakunde mumatare kuti vanzi vatungamire bato reMDC Alliance, kupihwa mari yaifanira kupihwa VaChamisa semunhu ainge akunda musarudzo pasi pemutemo wemapato kana kuti Political Finance Act uye muzinda webato weMorgan Richard Tsvangirai House.
Asi VaMwonzora vanoti zvavari kupihwa nehurumende zvinopihwa chero anenge achitungamira vanopikisa mudare reparamende.
Facebook Forum