Accessibility links

Breaking News

Vatyairi veMagonyeti vekuZimbabwe Votambura Vari kuRwanda Mushure meKutadza Kubhadharwa Mari Dzavo kweMwedzi Inodarika Miviri


Vatyairi vemagonyeti vekuZimbabwe vari kutambura vari kuRwanda ne Tanzania
Vatyairi vemagonyeti vekuZimbabwe vari kutambura vari kuRwanda ne Tanzania

Vamwe vatyairi vemagonyeti makumi mana vanobva kuZimbabwe vanoti vari kunonga svosve nemuromo vari kuRwanda nepamuganhu weTanzania neZambia mushure mekupererwa namari vari pamabasa uye kambani yakavapa basa isiri kuda kuvapa mihoro yavo.

Vatyairi ava vanoti vakaenda kuRwanda mushure mekunge vawana basa rekutakura zvinhu kubva ku Mt. Hampden muHarare vachienda nazvo kuKigali, guta guru reRwanda.

Vanoti vakapinzwa basa nekambani yeSimba Logistics yekuTanzania ichishanda pamwechete neimwe kambani yemuZimbabwe inonzi Ceva Logistics.uko rekuti vatakure michina kubva pakavakirwa paramende itsva yeZimbabwe.

Pamotokari dzakapiwa basa idzi panonzi paive nesere dzekuTanzania asi vatyairi ava vanofunga kuti vamwe vavo vekuTanzania ava vanogona kunge vakatopiwa mari dzavo kare.

Vamwe vatyairi vataura neStudio 7 vanoti zvibvumirano zvavakanga vanyorerana nekambani yeSimba Logistics chaguma kushanda musi wa 17 Gumiguru uye vazhinji vavo vakangopiwa zvikamu makumi manomwe kubva muzana zvemari yezvibvumirano zvavo, vachinzi zvikamu makumi matatu kubva muzana zvakasara vaizopiwa wasvitsa zvinhu zvavakatakura.

Asi mari yavakapihwa yakatopera sezvo vave nemwedzi yakawanda vabva kumba uye vachizvitengera chikafu pamwe nemvura yekushandisa zuva nezuva.

.Vamwe vachiri pamuganhu weTanzani neZambia vanoti vari kusangana nedambudziko rekutadza kuwana mvumo yekuti vapfuurire mberi nerwendo rwavo kunyange hazvo vachiti kambani yakavapa basa yakanga yakavavimbisa kuti havaizosangana nedambudziko.

Vatyairi ava vanoti havasi kukwanisa kushandisa mazita avo sezvo vari kutyira kuzodzingwa mabasa pamwe nekunyimwa mari dzavo dzasara pabasa ravari kuita.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuma kambani maviri aya sezvo ange asinga kudaira nhare dzawo.

Hatinawo kukwanisa kubata muzinda weZimbabwe muRwanda kuti tinzwewo kana uine matanho auro kutora ekuedza kubatsira vatyairi ava.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG