Maziso nenzeve zvevateveri vemutambo wenhabvu zvave kumakwikwi eWorld Cup kuQatar, uko Africa iri kumirirwa nezvikwaTa zvishanu gore rino zvinoti Cameroon, Morocco, Senegal, Tunisia neGhana.
Senegal yazivisa kuti shasha yayo, Sadio Mane, achange ari muchikwata chenyika chichange chiri kumakwikwi aya kunyange hazvo akakuvara achitambira chikwata chake cheBayern Munich nemusi weChipiri.
Kusimba kwaMane kuti ange ari kumakwikwi aya kwatambirwa nemufaro nevakawanda sezvo nyaya yekuti ari kuenda here kana kuti kwete yanga ichinetsa vateveri vemutambo wenhabvu vakawanda.
MuZimbabwe vazhinzji vanofunga kuti chikwata cheSenegal chichaenda kure, mumwe wevane maonero aya ari mutewedzeri wemurairidzi wechikwata cheCaps United, Fungai Tostao Kwashi.
Hapana zvikwata zvemuAfrica zvati zvapfuura makundano emakota fainari mumakwikwi aya, izvo zvinonzi nevamwe zvichashandurwa gore rino.
Facebook Forum