Accessibility links

Breaking News

Tsaona yeVana vepaGZU Vachibva Kunonyoresa Kuvhota Yoita Kuti ZEC Ikurudzirwe Kupinda muZvikoro Ichinyoresa Vadzidzi Vanoda Kuzovhota


Kombi yakanga yakatakura vana vechikoro vepaGreat Zimbabwe University yakaita tsaona vachibva kunonyoresa kuvhota.
Kombi yakanga yakatakura vana vechikoro vepaGreat Zimbabwe University yakaita tsaona vachibva kunonyoresa kuvhota.

Zvichitevera kukuvara kwevana makumi maviri vepaGreat Zimbabwe University neChina munjodzi yemumugwagwa vachibva kunonyoresa kuvhota muguta reMasvingo, komisheni inoona nezvesarudzo munyika yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, kuti itore matanho anoderedza tsaona dzakadai.

Masangano akazvimiririra pamwe nemamwe mapato anopikisa vave kukurudzira ZEC kuti ibude nezvirongwa zvekutumira vashandi vayo muzvikoro zvepamusoro kunonyoresa vadzidzi vanoda kuzovhota musarudzo senzira yekuvadzivirira kubva munjodzi dzakadai uye kuvapa mukana wekuti vazovhota pasarudzo dzegore rinouya.

Vana ava vaiva mukombi vakaita njodzi mumugwa unoenda kuMashava weMasvingo-Bulawayo, vana vapfumbwamwe vakakuvara zvakaipisisa zvekuti pari zvino vari muzvipatara zvinoti Family 24 Medical Centre neMasvingo General Hospital.

Kombi yevana ava inonzi yakabuda mumugwagwa ikakudubuka apo vakanga vodzoka kubva kuguta reMasvingo mushure mekunyoresa kuvhota, kunova makiromita makumi mana kubva kuchikoro chavo.

Sachigaro wesangano revadzidzi munyika reZimbabwe National Students Union (ZINASU), VaClavin Muvheyi, vati nhengo dzavo dzakaita njodzi iyi uye dziri muzvipatara kwadiziri kutarisirwa kuita zviri nani.

VaMuvheyi vati zvinosuwisa zvikuru kuti vadzidzi vanofamba nzendo ndefu dzakadai kundonyoresa kuvhota vozosangana nenjodzi, nekudaro vakurudzira ZEC kuti iite hurongwa hwekupinda muzvikoro zvepamusorosoro.

Izvi zvatsinhirwawo nesangano reMasvingo Media Centre (MMC), richiti kunze kwenjodzi dzemumigwagwa, vadzidzi vakawanda havana mari dzemabhazi kuti vakwanise kuenda kunonyoresa kuvhota kumahofisi eZEC, nekudaro komisheni iyi inofanira kupinda muzvikoro ichirerutsira vana.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muMMC, Amai Esther Nyambiya vati ZEC inofanirwa kuongorora nyaya yekuenda kuzvikoro zvepamusorosoro muMasvingo nenyika yose.

Vemasangano aya vanoti zvikoro zvepamusorosoro muMasvingo zvakaita se GZU, Masvingo Polytechnic, Bondolfi Teachers College neMogenster zviri kure neguta izvo zviri kuita kuti vana vazhinji vatadze kufamba kunonyeresa kuvhota nekuda kwedambudziko rekushaya mari dzemabhazi.

Mumwe wemwana wepaGreat Zimbabwe University akaita tsaona achibva kunonyoresa kuvhota.
Mumwe wemwana wepaGreat Zimbabwe University akaita tsaona achibva kunonyoresa kuvhota.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano rinoongorora sarudzo reElection Resource Centre (ERC), VaSolomon Bobosibunu, vatiwo zvikoro zvepamusorosoro zvizere vana vanoda kuvhota kekutanga asi vasina zvikwanisiro zvekuenda kumahofisi eZEC.

Mutevedzeri wemukuru webasa mu ZEC mudunhu reMasvingo, VaMaxwell Ncube, vati havasati vave nezvirongwa zvakadaro asi idama rakanaka.

Vanoona nezvechirongwa chekukurudzira vanhu kunyoresa kuvhota mubato rinopikisa reCitizens Coaliton for Change, CCC muMasvingo, VaJefreyson Chitando, vanoti vari kuzama kuonesa ZEC kuti iite chirongwa ichi muzvikoro.

Mumwe wevakuru vanoona nezvemabasa mubazi rinoona nezvevechidiki muMasvingo, VaCharles Munganatsa, vanoti, "Kunyange tichikurudzira kuti vanhu varejisite kuvhota pamwe nekukurudzira kuti vana vanyorese kuvhota, tinofanirwawo kuona kuti bhajeti reZEC ringazogona here kupinda munhu woga woga panzvimbo pake paanenge ari."

Vemasangano akazvimirira vari kukurudzira vechidiki munyika kuti vanyorese kuvhota muhuwandu hwavo kuitira kuti vakwanise kuwana kodzero yavo yekusarudza vatungamiriri vavanoda musarudzo dzegore rinouya.

Nyaya ina Godfrey Mtimba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG