Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeBato reCCC, VaGodfrey Sithole, Votarisirwa Kuonekwa naVanachiremba Mushure meKuburitswa kuJeri reChikurubi


Mumiriri weChitungwiza North muparamende VaGodfrey Sithole, vebato reCCC, (vane hembe yeyellow) mushure mekuburitswa kujeri reChikurubi. (Mufananidzo CCC)
Mumiriri weChitungwiza North muparamende VaGodfrey Sithole, vebato reCCC, (vane hembe yeyellow) mushure mekuburitswa kujeri reChikurubi. (Mufananidzo CCC)

Nhengo yebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, CCC, vari zvakare mumiriri weChitungwiza North mudare reparamende, VaGodfrey Sithole, avo vakabuda mujeri reChikurubi neChina manheru vanonzi vave kutarisirwa kuongororwa hutano hwavo navanachiremba mushure mekugara mutirongo kwemwedzi ingada kusvika kumishanu.

VaSithole vakaburitswa mushure mekubhadhara mari yechibatiso inoita madhora emunyika zviuru mazana matatu, (ZWL$300 000.00) kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo pamhosva yavari kupomerwa yekukonzeresa mhirizhonga.

Pamusoro pekubhadhara chibatiso, vakanzi vange vachizviratidza kumapurisa eSt. Mary's Chitungwiza kamwechete pasvondo, vasakanganise vafakazi uye vape mumaoko edare gwaro ravo rekufambisa.

VaSithole vakasungwa muna Chikunguru pamwechete nemumiriri weZengeza West VaJob Sikhala nedzimwe nhengo dzebato reCCC gumi neina vachipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga mushure mekuwanikwa kwemutumbi wenhengo yebato ravo, Muzvare Moreblessing Ali, avo vakapondwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG