Mutungamiri weAmerica VaJoe Biden, vapinda musangano weUnited Nations Climate Change Conference, kana kuti COP 27, wakanangana nemamiriro ekunze uri kuitirwa kuSharm el-Sheikh kuEgypt, vachiudza gungano iri kuti dambudziko remamiriro ekunze rakanangana nekuchengetedzeka kwevanhu, kuchengetedzeka kwehupfumi, kuchengetedzeka kwezvakatikomberedza uye kuchengetedzeka kwepasi rose.
VaBiden vataurawo pamusoro pezvaitwa nenyika yavo mukurwisana nematambudziko akanangana nemamiriro ekunze muAmerica nekunze kwenyika uye kupasiswa kwemari inoita US$369 billion yekushandisa mukuvandudza hupfumi hwemuAmerica semuenzaniso kune pasi rose.
Asi vamwe vari kupinda mumusangano uyu vanonzi vanga vasina han’ya nekunzwa zvaitwa neAmerica, asi kuti vanga vane chido chekunzwa kuti nyika dzakabudirira zvii zvadzingaita pari zvino kubatsita nyika dzakawirwa nematambudziko emamiriro ekunze.
Semuenzaniso, Pakistan inonzi inoda muripo pamusoro pemafashamu avhiringa nyika iyi ayo akakonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, vari kupindawo musangano uyu, kwakare kuEgypt.
Vanhu vane chitsama vanonzi varatidzira panze pemusangano uyu vachikurudzira dzihurumende kuti dzizadzise zvivimbiso zvadzo zvekubatsira nemari nyika dzine hurombo mukurwisana kwadzo nekushanduka kwemamiriro ekunze.
Facebook Forum