Accessibility links

Breaking News

Chikwata cheCommonwealth Chotarisirwa muNyika neMugovera Kuzoona Kana Zimbabwe Yave Kukodzera Kutambirwa Zvakare muSangano iri


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaFrederick Shava York
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaFrederick Shava York

Chikwata cheCommonwealth Assessment Mission chiri kutarisirwa kusvika munyika Mugovera kuzoongorora kana Zimbabwe yakakwanisa kuzadzisa zviga zvayakatemerwa kuti ikwanise kutambirwa zvakare mugungano iri.

Commonwealth igungano renyika makumi mashanu nenhanhatu iri, zhinji dzacho dziri dzaimbove pasi pehutongi hweBritain.

Mashoko akaburitswa padandemutande reTwitter nebazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika anoti chikwata ichi chichange chiri munyika mushure mekukokwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa kuti chione nhanho dzafambwa neZimbabwe kubva zvayakanyorera kuti ibvumidzwe kudzoka mugungano iri muna 2018.

Bazi iri rinoti chikwata ichi, icho chichange chichitungamirwa nemutevedzeri wemunyori mukuru wesangano iri, Muzvinafundo Luis Franceschi, chichange chiri munyika kwesvondo rose kusvika musi wa 18 mwedzi uno.

Chinotarisirwa kusangana nemutungamiri wenyika VaMnangagwa, gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaFrederick Shava, mamwe makurukota pamwe nevakuru vakuru muhurumende, uye masangano enhau pamwe nevamwe vane chekuita nenyaya iyi vanoonekwa sevakakodzera kusanganikwa navo nesangano iri.

Studio 7 yakundikana kubata gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaShava, kuti tinzwe zvizhinji pamusoro pekushanya kwechikwata ichi.

Zimbabwe yakabuda yoga mugungano reCommonwealth muna 2003 munguva yevaive mutungamiri wenyika mushakabvu VaRobert Mugabe mushure mekunetsana nenyaya dzekodzero dzevanhu.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, VaRejoice Ngwenya, vanoti hapana zvati zvashanduka, zvikuru panyaya dzekodzero dzevanhu, sezvo hurumende iri kuramba ichimbunyikidza vanhu uye kudzika mitemo inoomesera mashandiro emasangano akasiyanasiyana.

VaNgwenya vanotiwo kuti sangano iri rinyatsonzwisisa mamiriro akaita zvinhu munyika rinofanirwa kusanganawo nevemapato anopikisa pamwe nevemasangano akazvimirira kuitira kwete kungogumira mukusangana nevehurumende chete.

Hurukuro naVaRejoice Ngwenya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG