Accessibility links

Breaking News

Dunhu reGeorgia muAmerica Roita Sarudzo Yepiri Sezvo Pasina Asvika Mavhoti Anodiwa


Sarudzo pakati paSenator Raphael Wanock veGeorgia (vari kuruboshwe) naVaHerschel Walker dzinonzi dziitwe zvakare mwedzi unouya

Kuverengwa kwe mavhoti esarudzo dzakaitwa muAmerica nemusi weChipiri hakusati kwapera mune mamwe matunhu naizvozvo hasvisati zvava pachena kuti bato richaita nhengo dzakawanda muparamende yeAmerica nderipi.

Parizvino matunhu asati apedza kuverenga mavhoti evakakwikwidza kuita masineta anoti Georgia, Arizona neNevada, zvichinzi sarudzo dze mudunhu reGeorgia dzichadzokororwa mwedzi unouya.

Masangano enhau anoti Reuters neAP dzinoti parizvino bato reRepublican Party rine nhengo dzapinda muSenate dzinoita makumi mana nepfumbamwe (49), ukuwo bato reDemoctratic Party rine makumi mana nevasere (48).

Bato reRepublican Party rinofanirwa kuva nenhengo makumi mashanu nemumwe kuti ritore dare reSenate, ukuwo Democtratic Party ichida makumi mashanu .

AP inoti mudare reHouse of Representatives, bato remaRepublicans rine nhengo mazana maviri nepfumbamwe (209) ukuwo bato reDemocratic Party rine zana nemakumi mapfumbamwe nevaviri (192)

Bato rinofanirwa kuve nenhengo mazana maviri ane gumi nevasere (218) kuti ritore dare reHouse of Representatives.

Vanodzidzisa zvematongerwo enyika paWellesly College, mudunhu reMassachusetts, Muzvinafundo Chipo Dendere, vanoti zvaitarisirwa kuti bato reRepubican Party richakunda zvine mutsindo hazvina kuitika, vachiti maonero evanhu muAmerica haana kunyanya kuchinja sezvanga zvichibudiswa pamadandemutande.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG