Accessibility links

Breaking News

America Inoti Mauto eRussia Zviuru Zana (100,000) Afa Kana Kukuvara muHondo neUkraine


Mukuru wemauto emuAmerica, General Mark Milley vanoti mauto emuRussia zviuru zana kana kuti 100 000 vafa kana kuti vaurayiwa muhondo neUkraine. Vatiwo Ukraine inogona kunge yarasikirwa nehuwandu humwe chete hwemauto.

Nhepfenyuro yeReuters inoti haisati yanzwa divi reRussia panyaya iyi. VaMilley vakataura mashoko aya kuNew York vakakurudzira runyarari kuti vanhu vasarambe vachifa.

Mutungamiri weRussia VaVladimir Putin
Mutungamiri weRussia VaVladimir Putin

Nezuro Russia yakati nekutya kuti mauto ayo anoparadzwa neUkraine muguta raKherson yainge yodududza kubuda muguta iri.

U.S. Chairman of the Joint Chiefs of Staff General Mark A. Milley
U.S. Chairman of the Joint Chiefs of Staff General Mark A. Milley

General Milley vanoti vanhu vari pakati pemamiriyoni gumi nemashanu nemamiriyoni makumi matatu kana kuti 15 kusvika 30 million vamanikidzwa kupinda muhupoteri uye zvizvarwa zveUkraine zvisiri mauto zviuru makumu mana zvafa muhondo iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG