Sangano remagweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights richimirira sangano rinoongorora sarudzo rakazvimirira reElectoral Resource Centre kana kuti ERC rapa Zimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC mazuva manomwe kuti itengesere ERC gwaro revavhoti kana kuti voters roll rakashandiswa pakudimbura miganhu yenzvimbo dzichavhoterwa kana kuti delimitation musarudzo dzegore rinouya.
ZEC inonzi ikakundikana kuita izvi ichaendeswa kumatare.
ZEC inoti vanoda kuwana gwaro iri vanfanira kubhadhara mari inodarika zviuru zana nemakumi masere kana kuti US$187 238.
Izvi zvinotevera kudzikwa kwemutemo wechimbi chimbi kana kuti Statutory Instrument 145 of 2022 wakawedzera mari yekutenga gwaro revavhoti kusvika padhora rekuamerica rimwe chete papeji rimwe chete.
ERC yainge ichida kutengeserwa gwaro iri muna Chikumi. Mutauriri weZEC VaJasper Mangwana vakaudza bepanhau reNewsday kuti gwaro repadandemutande kana kuti electotal voters roll richaburitswa munguva pfupi inotevera ichiti iri kurikwnenzvera. Gwaro revavhoti repadandemutande rinotengwa nemazana maviri kana kuti US$200.
Gweta reZLHR riri kumirira ERC Doctor Tarisai Mutangi vanoti zviri kutaurwa neZEC hazvina maturo nekuti kana vakatotara muganhu negwaro revavhoti zvinoreva kuti rinokwanisa kuonekwa nevanoda.
Dr Mutangi vanotiwo mari dzekutenga gwaro idzi dzakawandisa dzichityora bumbiro remutemo wesarudzo nebumbiro remitemo rinoti ikodzero yevanhu kuwana gwaro revavhoti nemutengo unonzwisisika.
Facebook Forum