Accessibility links

Breaking News

Senegal Ingabudirire Here kuWorld Cup Pasina Sadio Mane?


Sadio Mané
Sadio Mané

Murairidzi wechikwata cheSenegal, Aliou Cisse anoti ari kuronga kuti mutambi wenyika iyi ane mukurumbira pasi rose, Sadio Mane aende kumakwikwi eWorld Cup 2022 kunyangwe akakuvara.

Mane akakuvara achitambira chikwata chake cheBayern Munich chekuGermany. Bayern Munich yaitamba neWerder Bremen paakakuvara.

Senegal iri kutarisirwa kutanga mutambo wayo wekutanga musi wa Mbudzi 21 neNetherlands muGroup A. Ichatamba musi wa25 neQatar isati yatamba mumwe mutambo neEcuador musi wa 29 Mbudzi.

Nyanzvi munyaya dzezvemitambo dzange dzichitarisira kuti Senegal ichitungamirwa namane inokwanisa kuenderera mberi mumakwikwi aya. Zvikwata zviviri zvinenge zviri pamusoro ndizvo zvinoenda muchikamu chechichipiri chinenge chine nyika gumi nenhatu.

Dzinenge dziri pamusoro dzinoenda kumakotafainari, masemifainari mbiri dzasara dzoenda mufainari musi wa18 Zvita.

Group A

Qatar

Ecuardo

Senegal

Netherlands.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG