Accessibility links

Breaking News

Cholera Yobata Munhu kuChiredzi Zvotyisa Vakawanda


Vagari vemudhorobha reChiredzi nenzvimbo dzakapoteredza vari kutyira kubata chirwere cheCholera icho chinonzi chakabata vamwe vanhu munzvimbo iyi nezuro zvinonzi zvakonzerwa nekushaikwa kwemvura yakachena. Bazi rezvehutano rinoti munhu mumwe chete akabatwa nechirwere checholera uye pane vamwe gumi vachiri kuongororwa. Mumwe mugari wemumusha weTshovani

Vamwe vagari vakaita saAmai Enia Mukarati vemumusha weTshovani muChiredzi vanoti vave kutyira hupenyu hwavo sezvo vari kutarisana ne ndambudziko remvura iyo yave nemwedzi inodarika miviri ichinetsa

izv zvatsinhirwa nevanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano rinomirira vagari reUnited Chiredzi Residents and RatePayers Association kana kuti UCHIRA Amai Constance Chikumbo

Kanzura weward 18 mumusha weTraingle kuChiredzi, VaGilbert Mutubukiti vanoti vagary vave kumanikidzwa mvura ine tsvina yekudiridza nzimbe inodarika nemumigero yakavhurika. Vanotiwo nyaya yekuti vanhu vanozvibatsira pedyo nemigero iyi inobva yapa kuti itonyanye kusviba zvichiisa vanhu munjodzi yekubatwa necholera.

VaMutubuki vati kanzuru yavo iri kuvaka zvimbuzi nekuchera zvibhorani kuyedza kuti vanhu vasarware nezvirwere zvakaita secholera.

Munyori wekanzuru yeChiredzi, Engineer Wesley Kauma vati havasati vanzwa nezve denda iri kubva kubazi rezvehutano.

Mukuru mubazi rezvehutano mudunhu reMasvingo, Dr Emedus Shamu vatenda kuti chirwere ichi chakabata munhu kuChiredzi vachiti bazi ravo richiri kuongorora vamwe vanofungirwa kuti vanacho.


Muna 2008, vanhu vanoda kusvika zana rezviuru kana kuti 100 000 vakabatwa nechirwere checholera munyika vamwe zviuru zvina vakafa. Kuti vanhu vasabatwe nechirwere checholera, nyanzvi dzinoti vanofanira kunwa mvura yakachena, kugeza maoko nesipo vasati vabika nekudya, kubhoirisa chikafu uye kushandisa zvimbuzi.

Kana munhu abatwa nechirwere ichi anoita manyoka, kunzwa nyota zvakanyanya, kurutsa kana kunzwa kuneta. Anenge achinzwa izvi anokurudzirwa kumhanya kuchipatara.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG