Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Yoparura Bhajeti reZW$213 Billion


Kanzuru yeHarare nhasi yatura hurongwa wayo hwebhajeti regore rinouya rayo remari inosvika mabhiriyoni mazana maviri negumi nematatu emunyika kana kuti 213 billion ichivimbisa kuti ichakoshesa nyaya yekuwanisa vanhu mvura yakachena kuchenesa guta nezvimwe zviri kushuvirwa nevanhu. Kanzuru yavimbisa kuti haisi kuzowedzera mitero zvakanyanya.

Vaparura hurongwa hwebhajeti iri kumuzinda wekanzuru weTown House muHarare ndisachigaro wezvekufambiswa kwemari mukanzuru yeHarare VaCosta Mande avo vati. Vaenderera mberi vachiti mitero yakadai semvura nezvipatara haina kuchinja.

Asi kanzuru iri kutarisira kukwidza mitero yemotokari dzinotakura varwere kubva pamadhora makumi maviri emadhora ekuAmerica kana kuti US$20 kusvika kumadhora makumi matatu nemashanu kana kuti US$35. Vati izvi zvinobatsira kuti maamburenzi aya anyatsoshanda zvakanaka.

Vachitaura neStudio 7 mushure mekuturwa kwebhajeti ra2023, Meya veguta reHarare, VaJacob Mafume vachema chema nekusapihwa mari iri muhurongwa hwekuendesa masimba kumatunhu kana kuti devolution uye kusabhadhara mitero kuri kuita vamwe vagari.

Gurukota rinoona nezvematunhu VaJuly Moyo vakaudza dare reparamende svondo rapera kuti imwe mari yekanzuru yedevolution iri kupihwa kambani yeGeogenix iri kugadzira kunorasirwa marara kuPomona.

Kanzuru yakati yabuda muchibvumirano nekambani iyi nekuti nofunga kuti pakaitwa huwori hunotyisa zvekuti kanzuru iri kunzi ibhadhare mari inosvika zviuru makumi maviri nemaviri kana kuti US$22 000 pazuva kuti irase marara kwemakore makumi matatu anotevera.

VaMafume vati vari kutarisira kugadzirisa makirinika, migwagwa, kuwanisa vanhu mvura yakachena nemutengo uri pasi pamwe nekutenga mota dzakawanda dzinotakura marara.

Mumwe mugari wemuHarare VaTanatsiwa Dambuza vati vafarira hurongwa hwemari uhwu sezvo mitero yakawanda isina kukwira asi vati vanotenda maruva vadya chakata pane zvavimbiswa nekanzuru.

Mukuru werimwe sangano rinomiririra vagari reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba vatiwo dzimwe mari dzemitero dzichiri dzakati wandei uye dzinoda kudzorwa.

Vagari vemuHarare vachaongorora bhajeti iri kwemwedzi vachipawo pfungwa dzavo. Kana izvi zvapera, bazi rezvematuhu rinozopa shoko rekupedzisira kuti bhajeti rotambirwa here kana kuti kwete.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG