Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Zvirango Zviri Kukanganisa Kurwisa Kushanduka kweMamiriro eKunze Vamwe Vachiti Kutadza Kutungamira


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakurudzira kuti zvirango zvavanoti zvakatemerwa vatungamiri venyika yavo zvibvise sezvo zviri kukanganisa zvirongwa zvekugadzira nyaya dzekushanduka kwemamiriro ekunze.

Asi nyika dzakatemera zvirango izvi kusanganisira America neBritain dzinoti hazvina kutemerwa nyika asi vatungamiri vari kutonga nedemo ue huwori ndiwo wakanganisa nyika yeZimbabwe.

VaMnangagwa vakurudzirawo kuti nyika dzemuAfrica dzitaure nezwi rimwe chete panyaya yekugadzirisa dambudziko rekushanduka kwoita mamiriro ekunze zvichikanganisa magariro evanhu zvakanyanya.

Sharm El Sheikh International Convention Centre kuri kuitirewa musangano weCOP27
Sharm El Sheikh International Convention Centre kuri kuitirewa musangano weCOP27

Vatungamiri venyika dzinosvika zana vari ku Sharm el-Sheikh, Egypt kumusangano wezvekushanduka kwemamiriro ekunze wechimakumi maviri nenomwe kana kuti 27th Conference of the Parties to the United Nations Framework Convention on Climate Change kana kuti COP27 wakatanga nemusi weSvondo uchipera musi wa 18 Mbudzi.

Mutungamiri wenyika atiwo nyika dzakabudirira dzinofanira kuzadzikisa zvadzakavimbisa nyika dzichiri kubudirira panyaya yekudzipa mari yekuti dzigadzire mhando dzemoto dzisingazvibise mweya wekufema dzakaita sekushandisa marasha.

VaMnangagwa vakurudzirawo nyika dzemuAfrica kuti dzitaure nezwi rimwe chete nekuti hadzina kubatana panyaya yekuti kuti dzoramba dzichichera mafuta ekufambisa dzimotokari kana kuti oil here kana kui kwete uye kushandisa marasha.

Zimbabwe ichibatsirwa neChina iri kushandisa marasha kugwenya remagetsi rekuHwange. China iyo inonzi iri pamberi kusvibisa mweya wekufema inombopa zvivimbiso zvekuti charega kumira kushandisa marasha kana kubatsira nyika dziri kuashandisa.

Mutungamiri weSouth Afrivca VaCyril Ramaphosa
Mutungamiri weSouth Afrivca VaCyril Ramaphosa

Kunyange Zimbabwe iri kutatarika kuwana mari, mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa vange vachifara nemari inosvika mabhiriyoni zviuru zvisere nechidimbu kana kuti 8,5 billion yekubatsira kuvandudza mhando dzemoto kana kuti US$8,5 billion.

Nyika dziri kupa South Africa mari iyi dzinosanganisira America, mubatanidzwa weEuropean Union, Britain, Germany neFrance. South Africa iri pachidanho chegumi nematatu panyika dzepasi rino dzinosvibisa mweya.

Nyanzvi munyaya dzezvemamiriro ekunze VaLawrence Mashungu vakamboudza Studio 7 kuti zvakakosha kuti nyika dzizvipire kudzika mitemo yekudzivirira kusvibiswa kwemeya zvinokanganisawo

Vamwe vatungamiri vataura nhasi vanosanganisira mutungamiri weRwanda, VaPaul Kagame, mutungamiri weMalawi VaLazerus Chakwera, mutungamiri weVenezuela, VaNicolás Maduro.

Mutungamiri weVenezuela VaNicolás Maduro nenhumwa yeAmerica pane zvekushanduka kwemamiriro ekunze VaJohn Kerry kuCOP27
Mutungamiri weVenezuela VaNicolás Maduro nenhumwa yeAmerica pane zvekushanduka kwemamiriro ekunze VaJohn Kerry kuCOP27

Vachitaura kumucheto wemusangano uyu, nhumwa yeUnited Nations VaJohn Kerry vati sarudzo dziri kuitwa nhasi hadzisi kuzokanganisa gwara reAmerica munyaya dzezvemamiriro ekunze. Vari kuongorora sarudzo idzi vanoti bato raVaKerry remaDemocrats rinokurudzira zvirongwa zvekushanduka kwemamiriro ekunze rinogona kukundwa.

Munyori mukuru weUnited Nations VaAntonio Guterres vakataura nezuro vakayambira kuti nyika dzananga kumawere kana pakasagadziriswa nyaya iyi.

Kushanduka kwemamiriro ekunze kunokonzera zvakare kupisisa zvakanyanya kwezuva, kuwandisa kwemvura iri mumagungwa yopedzisira yokanganisa vari kumahombekombe nezvitsuwa, kusvibisa mweya wekufema zvinokonzera zvirwere zvegomarara, zvemoyo nezvimwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG