Nekuona kubudirira kwarinoti kwakaita zvirongwa zvaro zvekutanga zvekudzikamisa hupfumi hwenyika pamwe nekusunga inflation, zvinosanganisira chekutengeswa kwemapeni egoridge, bepanhau reSunday Mail rinoti bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, svondo rinouya riri kuwedzera zvakare pamusika mamwe mapeni .
Mapeni egoridhe aya, ayo anonzi anenge ane huremu hwegoridhe hwepasipasi, anonzi anenge ari zviuru zvina nemazana mashanu, kana kuti 4 500 .
Asi hurongwa uhwu hwagara huchisimudza maonero akasiyanasiyana kunyanzvi mune zvehupfumi, dzimwe dzichihupembedza asi dzimwe dzichihushora.
Mumwe wevari kupembedza danho rekutengeswa kwemapeni egoridhe iri ndi Doctor Prosper Chitambara, avo vanoshanda nesangano re Labour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe. Doctor Chitambara, vanoti kuparurwa kwemapeni madikidiki aya kuchapawo mukana kune veruzhinji wekuti vange vachikwanisawo kuchengetedza mari dzavo kuburikidza nekutenga mapeni aya.
Imwe nyanzi mune zvehupfumi, Doctor Charles Mutasa, vanotiwo kuuya kwemapeni egoridhe kwave kuoneka kubatsira kwawo sezviri kuonekwa pakuderera kwe inflation kwakatika mwedzi wapera.
Asi Doctor Mutasa vanoti pachine zvakawanda zvinofanirwa kuitwa kuitira kuti kudzikamiswa kwehupfumi hwenyika kubudirire.
Asi imwe nyanzvi mune zvehupfumi, Muzvare Chenai Mutambasere, vanoti hapana zvikuru zvati zvaonekwa zvati zvaburitswa nekuuya kwemapeni aya. Muzvare Mutambasere vanoti vanhu vanongonzwa kuti kwatengeswa mapeni akawanda zvakati, asi hapana humbowo kunoiswa pajekerere.
Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti kunyange hazvo hurumende neReserve Bank of Zimbabwe vose vari kuti mapeni egoridhe aya pamwe nemamwe matanho avari kutora akwanisa kudzikamisa hupfumi hwenyika nekusunga inflation, zvirongwa zvehurumende zvinoda mari, zvinosanganisira mabhonasi evashandi vayo, zvekurima zvePfumvudza nePresidential Input Scheme, uye sarudzo dzegore rinouya, zvinogona kuisa mudondo hurongwa hwese uhwu.
Mapeni ari kutarisirwa kuparurwa svondo rinouya aya anonzi achange achitengeswa nemutengo wemadhora ekuAmerica pamwe nemadhora emunyika zvichienderana nemutengo wegoridhe pamisika yekunze yezuvaro, sezviri kungoitwa pane akaburitswa kare.
Gavhuna veRBZ, Doctor John Mangudya, vakaudza bepanhau reSunday Mail kuti kubva muna Chikunguru wegore rino mapeni anodarika zviuru gumi nechimwe, kana kuti 11 000 atengeswa munyika.
Zvasarira kuona kuana kuiswa kwemapeni madikidiki aya pamusika kuchaitawo kuti veruzhinji vakwanise kuatenga sezvo agara achitengeswa anga achinzi mitengo yawo iri pamusoro zvekuti vakawanda vepasi havakwanise kuwana mari yekutenga.
Facebook Forum