Accessibility links

Breaking News

America Yoita Sarudzo Dzakakosha Zvikuru Nhasi


America iri kuita sarudzo dzakakosha zvikuru nhasi kana kuti mid term elections dzichaburitsa pachena nderipi bato pakati pemaDemocrats nemaRepublicans achange ave bato riri kutonga.

Parizvino mudare reHouse Of Representatives, maDemocrats ane nhengo mazana maviri nemakumi maviri kana kuti 220 ukuwo maRepublicans aine nhengo mazana maviri negumi nevaviri kana kuti 212.

Dare reSenate rine nhengo makumi mashanu kubva kumaRepublicans nemakumi mashanu kubva kumaDemocrats.

Asi nekuda kwekuti mutevedzeri wemutungamiri wenyika amai Kamala Harris vebato remaDemocrats vanovhota kana paine mangange, bato remaDemocrats ndiro riri kutonga muSenate.

Pane sarudzo dzakatarisirwa nevakawanda zvikuru kuPennslvania, Arizona, Georgia, Michigan, Nevada neWinsconsin.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kuWinsconsin amai Lucy Ndongwe Chikowero vati vari kuena kunovhota sezvo zvakakosha kusarudza vamiri vanozo mimira dunhu ravo vachizoita zvido zveve ruzhinji.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG