Chitundumusere musere chekambani yemuAmerica yeNorthrop Grumman Cygnus chakatakura zvinhu zvinosvika mapaunzi zviuru zvisere nemazana maviri kana kuti 8,200 pounds kusanganisira masatellites eZimbabwe neUganda chiri kutarisirwa kusvika pachiteshi chachiri kuenda kumwedzi nemusi weChitatu nenguva dza12.30 masikati.
Chitundumusere ichi chakasimuka nemusi weMuvhuro kubva kuchiteshi cheNASA paWallops Flight Facility muVirginia muAmerica. Satellite yeZimbabwe iri muchitundumusere musere ichi inonzi Zimsat-1, yeUganda inonzi PearlAfricaSat-1 uye Taka yekuJapan.
Masatellites aya ari kuenda pasi pegungano rinonzi Joint Global Multi-Nation Birds Project-5 (BIRDS-5).
Chirongwa cheBIRDS chinopa mukana kuvana vekunyika dzichiri kubudirira kuti vawane mukana wekushanda nevanobvakune dzimwe nyika dzakabudirira kuti vakwenenzvera humhizha nehumhetura munyaya dzemasatellites.
Masatellites aya kana kuti CubeSats anokwanisa kuburitsa mifananidzo inokwanisa kunyatsoburitsa pachena nzvimbo dzine masango nedzisina. Zimbabwe inoti iri kuda kushandisa satellite yayo munyaya dzekushanduka kwemamiriro ekunze, kurima, pazvicherwa nezvimwe.
Facebook Forum