Accessibility links

Breaking News

Vanofungidzirwa Kuti Vasori neVatsigiri veZanu-PF Vorova Vatsigiri veCCC kuMasvingo


Vanofungidzirwa kuti vasori nevatsigiri veZanu-PF kwaGutu vanonzi vakarova nekushungurudza vatsigiri vebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change pazvitoro zvepaChisheche, Mushwayi nepaChin’ombe nemusi nezuro nemusi weMugovera.

Izvi zviri kuuya apoa masangano anorwira kodzero dzevanhu ari kuti dzimwe nzvimbo dzatoberekera ingwe pamberi pesarudzo dzegore rinouya.

Vatsigiri veCCC vanopfuura gumi vanonzi vakarohwa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri vebato reZanu-PF pamwe nevasori vaifamba nemotokari yerudzi rweNP 300 yainge isina ma number plates vachivharisa zvitoro zvinofungirwa kuti ndezve vatsigiri vebato rinopikisa.

Mumwe mutsigiri weCCC akarohwa zvakanyanya pazvitoro zvepaChin’ombe, VaPatikai Muzondo, vanoti vaipomerwa mhwosva ye kutengesa nyika nekuti vanotsigira bato rinopikisa.

VaMuzondo vanoti vari kutyira hupenyu hwavo sezvo vakanzi vanogona kutsakatitswa kana kuitwa kafiramberi. Vanoti vakasiyavapihwa hembe dzeZanu-PF kuti vagare vakapfeka.

Mumwe muzvina bhizimusi wechidzimai aramba kudomwa nezita rake nekutya kudzokerwa ati akavhariswa chitoro akasiyiwa adirwa doro remaScud muviri wese.

Anoti aipomerwa mhosva yekutsigira bato reTripple C achinzi airikupa rutsigiro rwemari kune vanonzi vari kuda kukwikwidza musarudzo dzedare reparamnende kuGutu East VaGift Gonese.
Mutauriri weCCC muMasvingo VaDereck Charamba vatenda kuti vatsigiri vavo vakarohwa vachiti sarudzo dzichauya dzinogona kudeuka ropa rakawanda vachipomera bato reZanu-PF mhosva yekutanga mhirizhonga

Vamwe vatsigiri veTripple C vakaita saVaMuzondo vanoti vakamhan’ara nyaya
iyi kumapurisa epa Bhasera asi vakati havakwanisi kuiferefeta nekuti motokari yainge yakatakura vaiita mhirizhonga yainge isisina manumber plates uye vanhu vaivemo havazivikanwi.

Asi vamwe vatsigiri veCCC vanoti motokari iyi inofungirwa kuiti ndeye vasori vekwa Mupandawana vaive nevatsigiri veZanuPF. Vamwe vanoti pane vaviri vakazivikanwa nemazita ekuti T1 na Tarupiwa chete.

Mutauriri wemapurisa muMasvingo, Inspector Kudakwashe Dehwa, vati havasati vanzwa nyaya iyi asi vavimbisa kuti vachataura nemapurisa ekwaGutu.

Sachigaro weZanu PF mudunhu reMasvingo VaRobson Mavheyengwa vati havanawo kunzwa nyaya iyi asi vachiti bato ravo hariite zvemhirizhonga .


Aka hakasi kekutanga kuita mhirizhonga mudunhu iri gore rino, mwedzi mishoma yapfuura vamwe vatsigiri veCCC vaikurudzira vanhu kunyoresa kuvhota vakarohwa vakapedzisira vaenda kunopotera mumakomo kuGutu West vachitiza vanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF.

Gore rapera mumwe mutsigiri weCCC VaNyaysha Zhambe vakarohwa vakashaika
nevanofungirwa kuti vatsigiri veZanu PF. Zvichakadaro, bato reTripple C rinotiwo imwe nhengo yaro, VaWonder Matashu vakatemwa mumusoro neparuoko nebemba vakakuvara zvakaipisisa nakanzura weWard 12 VaChris Mudengezerwa veZanu-PF.

Izvi zvinonzi zvinotevera danho rainge ratorwa nakanzura uyu kuti VaMatashu vasapihwe mbeu kubva kuhurumende vachivapomera mhosva yekutsigira bato rinopikisa. Hatina kukwanisa kubata VaMudengezerwa kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG