Accessibility links

Breaking News

America Yoita Sarudzo Dzakakosha neChipiri


america votes

Vagari vemumatunhu mazhinji eAmerica mangwana, Chipiri, vachavhota musarudzo dzinotarisirwa kushandura mamiriro ematare eSsneti neparamende.

Mumatunhu mazhinji, mapato eDemoctratic Party neRepublican Party anoratidza kuva mangange, vanoongorora zvesarudzo vachiti vachakunda musarudzo idzi vachatozivikanwa kana mavhoti ose averengwa, izvo zvinonzi zvichatora mazuva.

Nemusi weSvondo, vakambotungamira America vanoti VaDonald Trump, naVaBarack Obama, pamwe nemutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vose vakanga vari mudunhu rePennslyvania vachibatsira mukutsvaga rutsigiro rwenhengo dzemapato avo dziri kukwikwidza musaraudzo dzakasiyana siyana.

VaBarack Obama naVaJoe Biden
VaBarack Obama naVaJoe Biden

VaBiden naVaObama, veDemocratic Party, vakanga vachikurudzira vanhu vemudunhu iri kuti vavhotere nhengo dzebato ravo, zvikuru VaJohn Fetterman, avo vanoda kuva seneta wedunhu iri, naVaJosh Shapiro, vanoda kuva gavhuna wedunhu iri.

Dr Oz naVaDonald Trump
Dr Oz naVaDonald Trump

Ukuwo, vaimbova mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump vakanga vachikurudziravo vagari vemudunhu iri kuti vavhotere Dr Emmet Oz, vanoda kuva seneta naVaDouglas Mastriano, vanoda kuva gavhuna wedunhu rePennsylvania.

Chizvarwa cheZimbabwe chinogara mudunhu rePennsylvania, VaNick Mada, vaudza Studio 7 kuti vanhu vazhinji vanoratidza chido chikuru chekuvhota, vachiti vanhu vemapato ose vakamirira zuva ramangwana iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG