Accessibility links

Breaking News

Moto Wokanganisa Kusimuka kweChitundumusere Musere Change Chakatakura maSatellite eZimbabwe, Uganda neJapan


This image provided by NASA shows the Lunar Atmosphere and Dust Environment Explorer aboard a Minotaur V rocket after a rollout at NASA's Wallops Island test flight facility in Wallops Island, Va., Sept. 5, 2013.
This image provided by NASA shows the Lunar Atmosphere and Dust Environment Explorer aboard a Minotaur V rocket after a rollout at NASA's Wallops Island test flight facility in Wallops Island, Va., Sept. 5, 2013.

Chitundumusere musere chinonzi NG-18 Cygnus chekambani yemuAmerica inonzi Northrop Grumman chakatakura michina yehumhizha nehumhetura hwekuona mamiriro ekunze munyika kana kuti satellites madiki anonzi “cubesats” eZimbabwe, Uganda neJapan nezvimwe zvekunoshandisa kumwedzi hachina kusimuka sezvange zvakatarisirwa nhasi sezvo paita moto chave kuda kusimuka.

Chitundumusere musere ichi change chichitarisirwa kusimuka kubva muVirginia muAmerica uye chave kutarisirwa kusimuka mangwana. Zimbabwe National Geospatial and Space Agency -ZINGSA ine muzinda paUniversity of Zimbabwe inoti yakatumira nyanzvi kuJapan kuno kwenenzvera satellite yeZimbabwe inonzi Zimsat- 1. Uganda iri kutumira satellite inonzi PearlAfricaSat-1.

Mini Satellite Launch
Mini Satellite Launch

Vachinyora padandemutande ravo reTwitter, munyori mukuru mubazi rezvekubutiswa kwemashoko VaNick Mangwana vati satellite iyi ichabatsira Zimbabwe panyaya dzezvemamiriro ekunze uye kubatsira munyaya dzezvicherwa.

Vanonzi vakakwenenzera satellite yeUganda vanoti VaEdgar Mujuni, vaBonny Omara naVaDerrick Tebusweke. Kunze kwekubatsira mune zvemamiriro ekunze, Uganda inoti ichashandisa satellite iyi mukudzivirirwa kwenyika.

Nyanzvi munyaya dzezvehumhetura VaRobert Ndlovu vaudza Studio 7 kuti macubesats ari kutumirwa neZimbabwe neUganda dzichishanda neJapan ndeemari iri pakati pezviuru makumi maviri nezviuru nezviuru mazana mashanu ekuAmerica kana kuti US$20, 00 ne US$500, 000.

MuAmerica mamwe macubesats aya anotengeswa nemari inosvika zviuru gumi zvemadhora ekuAmerica chete kana kuti US$10, 000.

satellite ichiburitsa mamiriro ezvinhu mushure memafashamu muSouth Africa muna Kurume
satellite ichiburitsa mamiriro ezvinhu mushure memafashamu muSouth Africa muna Kurume

South Africa ndiyo nyika yekutanga muAfrica muna 1999 kutumira kumwedzi satellite inonzi SunSat-1. Satellite iyi yakagadzirwa nevadzidzisi nevadzidzi paUniversity of Stellenbosch muSouth Africa makare.

Nyanzvi munyaya dzezvehumhizha nehumhetura dzinoti nyika dzemuAfrica dzakawanda hadzisi kutora mukana wekuti masatellite cube adererera mutengo kuti dziatenge mukuwedzera ruzivo nezvemamiriro ekunze, zvechiuto kana humhizha hwezvekufambiswa kwemashoko.

Nyika gumi nenhatu muAfrica ndidzo dzakwanisa kutumira masatellite aya kumwedzi uye ari kutenderera mudenga anodarika makumi mana nemana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG