Accessibility links

Breaking News

Mhuri Mazana Mana Dzoputsirwa Dzimba kuChipinge Kuchinaya


Dzimba dzakaputswa kuChipinge
Dzimba dzakaputswa kuChipinge

Mhuri dzinodarika mazana mana kubva pamisha zana nemakumi mashanu kwaChiriga, Ward 11 kuChipinge, dzakapihwa minda panguva yekugoverwa kweminda patsva muna 2000 apo varungu vaitorerwa mapurazi achipihwa vatema dzave kugara pamhene mushure mekuputsirwa misha.

Mhuri idzi dzinonzi dziri kurwisana nemumwe mukuru muchiuto ari kuti ipurazi rake.

Hatina kukwanisa kubata vatauriri vemapurisa nemauto kuti tinzwe divi ravo.

Mukuru wesangano rePlatform for Youth and Community Development VaClaris Madhuku vashanyira nzvimbo iyi vaudza Studio 7 kuti vanhu ava varasikirwa nemidziyo yakawanda sezvo kuri kunaya.

Vatiwo vari kuputsirwawo dzimba kana kune dzimwe nzvimbo dzavari kuyedza kupotera. Vati vaendesa matsamba kumakomisheni ehurumende anoti yeZimbabwe Human Rights NGO Forum neyeNational Peace and Reconciliation Commission kuti vwane rubatsiro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutauriri we National Peace and Reconciliation Comission, VaObert Gutu vaudza Studio 7 kuti komisheni yavo yakamirira kunzwa kuhofisi yayo kuManicaland uye inokwanisa kubatsira munyaya dzakadai kuti vanhu vasaburitsirane makano nekukuvadzana.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG