Accessibility links

Breaking News

Apo Sarudzo dzeMid-Term muAmerica Dzaswedera, Mapato eDemocratic neRepublican Oshandisa Vaive Vatungamiri veNyika muKukwezva Vavhoti.


Bato reDemocratic Party riri kubatsirwa nevaive mutungamiri wenyika, VaBarack Obama mukutsvaga rutsigirio, ukuwo Republican Party ichibatsirwa naVaDonald Trump.
Bato reDemocratic Party riri kubatsirwa nevaive mutungamiri wenyika, VaBarack Obama mukutsvaga rutsigirio, ukuwo Republican Party ichibatsirwa naVaDonald Trump.

Apo zvizvarwa zvemuAmerica zviri kuenda kusarudzo dzepakati petemu, kana kuti mid-term, dzekusarudza dzimwe nhengo dzematare eparamende neseneti, idzo dziriko neChipiri svondo rinouya, mapato ari kukwikwidzana anoti riri kutonga reDemocratic Party nerinopikisa reRepublican Party ari mushishi kutsvaga rutsigiro.

Mapato aya ave kubatsirwa nevaimbove vatungamiri venyika iyi vanoti, VaBarack Obama veDemocratic Party naVaDonald Trump veRepublican Party kuti vakwezve vavhoti vachishandisa hunyanzvi neruzivo rwavo.

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti nyaya hombe ichanyanyotungamidzwa nevachavhota ndeyemamiriro ehupfumi hwenyika, sezvo sarudzo idzi dzauya panguva iyo zvinhu zvichinzi zvakanyanya kukwira mutengo.

Zvimwe zvinonzi zvinogona kutungamidzwa nevachavhota inyaya yekubviswa kwepamuviri, kupinda kwevanhu munyika, mamiriro ekunze, pamwe nehondo yekuUkraine.

Matunhu anonzi ane makwikwi akasimba pakati pemapato maviri aya ndeanoti Arizona, Georgia, Michigan, Wisconsin, Nevada nePennsylvania.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG