Accessibility links

Breaking News

CCC Yoronga Kuenda kuZimbabwe Human Rights Commission neNyaya yeMhirizhonga yeZvematongerwo eNyika


Nhengo dzeCCC dzinoti dziri kushungurudzwa nenhengo dzeZanu PF, asi Zanu PF Inot aya manyepo.
Nhengo dzeCCC dzinoti dziri kushungurudzwa nenhengo dzeZanu PF, asi Zanu PF Inot aya manyepo.

Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, CCC, rinoti rave kuronga kukwira kukomisheni inoona nezvekodzero dzevanhu, yeZimbabwe Human Rights Commission, kuitira kuti mapurisa ashande asina kwaakarerekera mukuita basa ravo rekuchengetedza vana veZimbabwe.

Bato iri irnoti rave kutora danho iri zvichitevera kwarinoti kushungurudzwa kwenhengo yaro yaifanirwa kukwikwidza musarudzo dzemakanzuru kuWard 9 kwaMutoko, kumashonaland East, nevanofungidzirwa kuti inhengo dzebato reZanu PF.

Mutevedzeri wemutauriri weCCC, VaGift Ostalos Siziba, vanoti nhengo yavo yakashungurudzwa pamwe nemudzimai wayo uye kubvutirwa magwaro ayo anodiwa pakunyoresa kuti munhu akwikwidze, izvo zvakazoita kuti ikundikane kunonyoresa nedare reNomination Court risati ravhara nemusi weChina.

Izvi zvinonzi ndizvo zvakazoita kuti nhengo yeZanu PF, VaRonald Maodza, vazonyoresa vari vega vachibva vangonzi ndivo vapinda sezvo pasina akavakwikwidza.

VaSiziba vanoti vakamhan’gara kushurudzwa kwenhengo yavo kumapurisa asi kusvika pari nhasi hapana chati chaitwa. Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumapurisa kana nyaya idzi dzakasvitswa kwavari, uye kana paine matanho avari kutora.

Studio 7 yaedzawo kubata mukuru muboka rezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi asi vanga vasiri kudaira nharembozha yavo, uye pataenda pamhepo vanga vasati vapindura mibvunzo yatavatumira.

Asi Zanu PF yagara zvayo inoramba kuti ine chekuita nemhirizhonga inonzi nevanopikisa ndiyo iri kukonzera.

Ukuwo, VaSiziba vanoti zviitiko zvakadai zvichakanganisa kuitwa kwesarudzo dzakajeka zvikuru kumaruwa, kana matambudziko akadai asina kugadziriswa.

Zvichakadaro mutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa vanga vari kuBulilima, mudunhu reMatabelleland South uko bato ravo ranga richipemberera kukunda kwarakaita musarudzo dzema by-election dzakadarika.

Ukuwo, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanga vari ku Lupane mudunhu reMatabeleland North uko vanga vachitungamira mhemberero dzekupedza zvidzidzo zvevadzidzi vepaLupane State University.

Hurukuro naVaGift Siziba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG