Accessibility links

Breaking News

Kushaya kwaIshe Chidziva vekwaZvimba Kwokonzeresa Makakatanwa Makuru muMhuri Ina Dzinochinjana Hushe


Vaive Ishe Chidziva, mushakabvu VaJohannes Jenami. (Mufananidzo kubva kuna VaGibson Jenami)
Vaive Ishe Chidziva, mushakabvu VaJohannes Jenami. (Mufananidzo kubva kuna VaGibson Jenami)

Kushaya kwaShe Chidziva vekwaZvimba mudunhu reMashonaland West, avo vainzi VaJohannes Jenami, masvondo maviri adarika kwave kukonzeresa makakatanwa makuru pakati pemhuri ina dzinochinjana kugara ushe hwaChidziva.

Dzimba dzinochinjana hushe hwekwaChidziva dzinoti imba yekwaJenami, yekwaKarigamombe, yekwaKatizagombo pamwe neyekwaMajeza. Mumwe weimba iri kuda kuti ipihwe hushe, VaDominic Matibiri, vanoti ushe hwaMambo Chidziva hunofanirwa kupihwa VaJeremiah Jenami sezvo vari ivo vaifanirwa kutonga pahwakapihwa kuna VaJohannes Jenami.

VaMatibiri vanoti vakatonyora gwaro renyunyuto kugurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaJuly Moyo, vachikumbira kuti vagadzirise nyaya yehushe hwekwa Chidziva pamwe nehusadunhu hwaVaGibson Jenami, vanozivikanwa saSadunhu Katizagombo.

VaMatibiri, avo vanobva muimba yaKarigamombe, vanoti Mambo Chidziva vaifanirwa kupa huSadunhu kune mumwe wedzimba dzinochinjana hushe dzinoti imba yekwaKarigamombe, yekwaKatizagombo pamwe neyekwaMajeza, kwete kupa mwana wavo VaGibson Jenami huSadunhu hwaKatizagombo.

Asi Sadunhu Katizagombo, VaGibson Jenami, vanoti panofa ishe pane vehukama vanenge vave kuda kutonga kunyange nguva yavo isati yakwana.

Sadunhu Katizagombo vanoti VaMatibiri vanofanirwa kumbochema Ishe Chidziva vasati vataura nezvekuti ndiyani achagadzwa hushe.

Patabvunza kuti hushe hwaVaChidziva hwave kutorwa neimba yipi, Sadunhu Katizagombo vanoti mhuri dzose dzichagara pasi dzowirirana kuti pasaite makakatanwa neruvengo.

VaJeremiah Jenami, avo vanonzi vaifanirwa kunge vakagadzwa hushe pakagadzwa Ishe Chidziva, varamba kutaura nezvenyaya iyi asi havana kupa zvavo chikonzero.

Munyori mukuru mubazi rezvekutongwa kwematunhu mudunhu reMashonaland West, VaJosphat Jaji, vanoti nyaya dzine chekuita nehushe dzinoendeswa kuProvincial Assembly, iyo inozoendesa kuChiefs Council kwadzinogadziriswa.

VaJaji vanotiwo chimwe chave kunetsa ndechekuti Ishe Chidziva vaipomerwa mhosva mutsamba yenyunyuto iyi ivo vakafa, nekudaro panenge pasisina nyaya.

Hushe hwekwaZvimba hwaive nashe mumwechete, Ishe Zvimba, avo vaitonga nzvimbo yainge yakakura zvikamu gumi nezvina kubva muzana, imwe nzvimbo ari mapurazi evachena.

Asi pakatorwa mapurazi aya muna 2000 kukagariswa vanhu patsva, nzvimbo yacho inova zvikamu makumi matanhatu kubva muzana yakaiswa pasi pemadzishe maviri anoti Ishe Beperere, vainzi VaAlfred Tome, avo vakashaya gore rapera nechirwere cheCovid-19, naIshe Chidziva, avo vakashaya masvondo maviri apfuura.

Madzishe maviri akashaya aya ndemamwe emadzishe ekwaZvimba aida kuti marangwanda evaimbove mutungamiri wenyika, mushakabvu VaRobert Mugabe, afukunyurwe kubva kwavakavigwa kumusha kwavo kwaZvimba kuti anovigwa kumarinda anovigwa magamba enyika, kana kuti Nationals Heroes’ Acre, kuHarare.

Vamwe vakaita saVaMatibiri vanoti kufa kwemadzishe maviri aya pamwe nekurwara kuri kuita vamwe vari kuda kuti VaMugabe vafukunyurwe kwave kukonzereswa nemhepo dzedzinza dzisiri kuda kuti vaimbove mutungamiri wenyika ava vafukunurwe.

Makakatanwa ekurwira hushe mumadzinza anonzi ari kukanganisa pamwe nekuparadza hukama mumhuri dzakawanda zvekutosvitsa kuti dzimwe dzimba dzikwirirane kumatare edzimhosva.

Nyaya ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG