Accessibility links

Breaking News

Vagari vekuBikita Votambira neMufaro Kupindira kweZACC muKuferefeta Huwori muKanzuru Yavo


Mutauriri weBikita Residents and Rate Payers Association, VaMark Mutengani
Mutauriri weBikita Residents and Rate Payers Association, VaMark Mutengani

Vamwe vagari vekuBikita mudunhu reMasvingo vanoti vari kutambira nemufaro mashoko ekuti komisheni inorwisana nehuwori yeZimbabwe Anti-Corruption Commission, (ZACC), yakatanga kuferefeta nyaya dzehuwori hungadai hwakaitika mukanzuru yavo.

Vagari ava vanoti nyaya idzi dzinosanganisira kutengwa kwezvikakarara zvemotokari dzevakuru vakuru apo vagari vasiri kuwana zvakakwana.

Vamwe vagari vataura neStudio 7 vanoti vari kufara kuti eZACC yakatopinda mudunhu ravo kuti itarisise nezvehuori uhu honotsoropodzwa nevagari avo vari kuchema-chemawo nekusafambiswa zvakanaka kwemabasa mukanzuru iyi.

Mutauriri wesangano revagari reBikita Residents and Rate Payers Association kana kuti Birra, VaMark Mutengani ,vanoti vanotenda nekuuya kweZACC vachiti inofanira kubudisa pachena huori huri kuitwa mukanzuru iyi.

ZACC ino uya apo sangano reBIRRA rakanyora gwaro renyunyuto kwairi pamwe nekudare reParamende mwedzi mitatu yapfuura.

Mugwaro iri, vagari vainyuyuta kuti kanzuru yakatengera vakakuru vayo zvikakarara zvemotakari dzema GD 6 nhanhatu dzichiita mari inosvika zviuru makumi mana emadhora ekuAmerica, kana kuti US$40 000 pamotokari imwechete.

Kanzuru inonzi yakatengazve chikarara chemotokari yerudzi rweLand Cruiser yemunyori wekanzuru, VaPeter Chibi, yaiita zviuru zana nemakumi mana zvemadhora ekuAmerica, kana kuti US$140 000.

Motokari dzese idzi dzinonzi dzakaita zviuru mazana matatu nemakumi masere zvemadhora ekuAmerica $380 000.

Mumwe mugari wemuBikita, VaStruggle Nyahunda, vati vanotarisira kuti ZACC ichaita basa rayo nemazvo.

Mutauriri weZACC, Commissioner Thandiwe Mlobane, vatenda kuti vakatotanga kuferefeta kanzuru yeBikita asi vati vange vasingakwanisi kutipa zvizere sezvo vange vari parufu.

Munyori wekanzuru yeBikita, VaChibi, vatenda kuti ZACC yakauya kubasa kwavo vachiferefeta nyaya iyi vachiti asi ivo hapana huwori hwavakaita sezvo zvose zvakaitwa pamutemo.

Vanoongorora nezvekutongwa kwematunhu vakazvimirira muMasvingo, VaArchibold Madida, vanoti ZACC inofanira kupinda mumakanzuru akawanda mudunhu reMasvingo sezvo muine huwori hwakanyanya.

Kunze kweZACC, kanzuru yeBikita iri kuferefetwawo negurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaJuly Moyo, avo vakati zvakaitwa izvi hazvisi pamutemo.

Vachitaura nebepanhau reMasvingo Mirror, VaMoyo vakati bazi ravo rakatotanga kuferefetawo nyaya iyi vakavimbisa kuti anenge abatwa nemhosva anosangana nemutongo wake zviri pamutemo.

Kanzuru iyi iri kupomwerwawo huwori hwekucheresa zvibhorani zvina nemari inosvika madhora ekuAmerica zviuru makumi matatu nezvitanhatu, kana kuti US$36,000.00.

Kanzuru iyi yakacheresa chibhorani chimwe nemari inotangira pazviuru zvitanhatu kusvika pazviuru zvipfumbamwe zvemadhora ekuAmerica US$6 000.00 ne US$9,000.00 apo kucheresa chibhorani chimwe chete chakadzika mamita makumi mana kuchiwanzoita chiuru chimwe chete nemazana maviri emadhora ekuAmarica, kana kuti US$1, 200.00.

Nyaya ina Godfrey Mutimba
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG