Accessibility links

Breaking News

Sarudzo dzePakati peTemu muAmerica Dzichaitwa Mune Mamwe Matunhu Dzotarisirwa Kushandura Mamiriro eMatare eSeneti neParamende


America iri kupinda musarudzo huru yekutsvaga nhengo dzichange dzichimirira mamwe matunhu mumatare eseneti, neparamende pamwe nemagavhuna neChipiri svondo rinouya, makwikwi makuru ari pakati pemapato eDemocratic Party neRepublican Party.

Sarudzo idzi, idzo dzinoitwa pakati petemu, kana kuti mid-term elections, dzinonzi nevari kudzitevera dzakakosha zvikuru sezvo dzichigona kunongedza zvingazongobuda musarudzo huru dzichaitwa muna 2024.

Mutungamiri weAmerica VaJoe Biden vakakurudzira svondo rino kuti veruzhinji vatambire zvinenge zvabuda musarudzo idzi uye kuti dziitwe murunyararo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika pamwe nezvehupfumi, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti sarudzo idzi dzakakosha zvikuru sezvo dzicharatidza remangwana redare guru reseneti.

Dare iri pari zvino rine nhengo dzakaenzana asi bato riri kutonga remaDemocrats richizova nenhengo imwe inopatsanura kana pakaita mangange, inove mutevedzeri wemutungamiri wenyika yeAmerica Amai Kamala Harris.

Matunhu anonzi ane makwikwi akasimba pakati pemapato maviri aya ndeanoti Arizona, Georgia, Michigan, Wisconsin, Nevada nePennsylvania.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG