Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Mbudzi 04, 2022


Shona Headlines

Dare repamusoro reHigh Court rinoti hapana zvashanduka kubvira pakanyimwa nhengo dzeCitizens Coalition for Change, VaJob Sikhala naVaGodfrey Sithole mukana wekubvisa mari yechibatiso panyaya yavari kupomerwa yekukonzera mhirizhonga kuNyatsime nekudaro hapana chikonzero chekurasa mutongo wamejasitiriti wekuti vaviri ava vatongwe vachibva mutirongo.

Vagari vekuBikita mudunhu reMasvingo votambira nemufaro kupindira kweZimbabwe Anti-Corruption Commission, ZACC, mukuferefeta huwori hungadai hwakaitwa pakutengwa kwezvikakarara zvemotokari dzevakuru vakuru, asi vane kutyira kuti vakapara mhosva vanogona kuzongoregwa vasina kutorerwa matanho.

Nhasi tiri kuenderera mberi tichitarisa nezvesarudzo dzepakati nepakati petemu, kana kuti Mid-Term dziri kuitwa muAmerica svondo rinouya, idzo dzinonzi nedzimwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika zvichabuda musarudzo idzi zvinogona kuve munongedzo wezvichabuda musarudzo dzichaitwa muna 2024.

Kushaya kwaShe Chidziva vekwaZvimba mudunhu reMashonaland West, avo
vainzi VaJohannes Jenami, masvondo maviri adarika kwokonzeresa
makakatanwa makuru pakati pemhuri ina dzinochinjana hushe
hwaChidziva.

Muchirongwa chedu cheLive Talk na8pm, nhasi tiri kuzeya nezvekunyimwa zvakare mukana wekubvisa mari yechibatiso nedare reHigh Court kwenhengo dzeCitizens’ Coalition for Change, VaJob Sikhala pamwe naVaGodfrey Sithole, avo vari muhusungwa kwemwedzi inodarika mina.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG