Kutongwa kwemutungamiri webato rinopikisa reZimbabwe Transformative Party kana kuti ZTP vakanyenzura paerere kwange kuchitarisirwa kuenderera mberi nezuro mudare ramejastiriti hakuna kuzobudiria sezvo mutongi asina kuzouya.
Gweta raVaParere nevamwe vavo, VaEvans Moyo vanoshanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights vaudza Studio 7 kuti nyaya iyi ichanzwika musi wa 10 Mbudzi.
VaParere vakasungwa muna Chikumi pamwe chete nevamwe makumi matatu nevana vanova nhengo dzebato ravo uye dzekereke yavo nonzi Mirirai Jehova Apostolic Church.
Vakasungwa pana Copacabana muHarare vachiratidzira nekuda kwekusafara kwavo nemamiriro akaita zvinhu munyika. Vachuchusi nemapurisa vari kuti vakatyora mutemo weMaintanaince of Peace and Order act kana kuti MOPA vachinzi havana kusuma mapurisa nezvekuda kuratidzira uye vachinzi vaivhara migwagwa.
Asi VaParere nenhengo dzebato ravo vari kuramba mhosva yavari kupomerwa iyi.
Asi vamwe makumi matatu nevana vachamiswa pamberi pedare nemusi wa 9 Mbudzi
Facebook Forum