Accessibility links

Breaking News

Mutori weNhau Blesssed Mhlanga Ari muAmerica Kuzonyora nezveSarudzo


 Blessed Mhlanga
Blessed Mhlanga

Mutori wenhau anoshanda nesangano reAlpha Media Holdings rinotsikisa mapepanahu anoti reNewsday, Zimbabwe Independent, neThe Standard nenhepfenyuro yepainternet yeHeart and Soul radio and TV Blessed Mhlanga anoti ari kufara kuti akasarudzwa pavatori venhau vashoma pasi rose vari kuuya kuzoongorora nekunyora nezvesarudzo dzemuAmerica dzemamid terms.

Sarudzo idzi dzakakosha pakuti ndiyani anenge akabata matomu mudare reHouse of Representatives neSenate uye dziri kuitwa musi wa8 svondo rinouya.

Mhlanga anoti anotarisira kuti achdzidza zvakawanda kubva kuvatori venhau venhepfenyuro dzakaita seCNN, Fox News nevamwe.

Atiwo achaenda kunzvimbo dziri kukwikwidzanswa zvakasimba dzinoti North Carolina neArizona.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG