Accessibility links

Breaking News

Dare Roudzwa Kuti VaMwonzora Vakayedza Kuruka Zano neveMajeri Kuti Vaone VaSikhala Avo Vakatsika Madziro


Douglas Mwonzora and Ncube

Amai Beatrice Mtetwa gweta rine mukurumbira munyika riri kumiririra VaJob Sikhala vanomiririra Zengeza West mudare reparamende naVaGodfrey Sithole vanomirira Chitungwiza North, vaudza dare ramejastiriti kuti vakuru vemajeri vakayedza kumanikidza vaviri ava kuti vaite musangano nemutungamiri weMDC-T VaDouglas Mwonzora kujeri reChikurubi. VaSithole naVaSikhala inhengo dzebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change.

VaMwonzora vanonzi vakangoenda kuChikurubi vasina kukokwa vakaudzwa naVaSikhala naVaSithole kuti vaisada kuvaona.

Amai Ellen Sikhala
Amai Ellen Sikhala

Amai Mtetwa vanoti kunyangwe vakaita saVaMwonzora vakabvumidzwa kupinda mujeri iri kuti vaone vasungwa, mudzimai waVaSikhala, Amai Ellen Sikhala , dzimwe hama dzavo uye vanachiremba, magweta avo nemutungamiri webato ravo VaNelson Chamisa vairambidzwa kuvaona. Vemajeri vanonzi vakange vatogadzirawo nzvimbo yekutandarira yakanaka kuti VaMwonzora vasangane naVaSikhala naVaSithole asi vaviri ava vakaramba vakatsika madziro.

Nyaya yekurambidzwa kuona hama, magweta navanachiremba iyi ndiyo yakapa kuti magweta aVaSikhala aendese vemajeri kudare ramejastiriti.

Vachipa mutongo wavo panyaya yekurambidzwa kwevanhu kuona VaSikhala, mejastiriti Trynos Utahwashe vakati hama dzavo, magweta uye vanachiremba vanofanira kubvumidzwa kuonekwa sezviri mubumbiro remitemo.

Vatiwo VaSikhala naVaSithole vanofanira kubvumidzwa kupihwa chikafu, nehama neshamwari dzavo. Mudzimai waVaSikhala akarambidzwa kuvapa keke musi webhavhudhe ravo. Vachuchusi vehurumende havana kupisa mutongo uyu.

Vachitaura neStudio 7 mutauriri webato reMDC-T VaWitness Dube vakati VaMwonzora vainge vaenda kuChikurubi nekuti ndivo vanotungamira nhengo dzeparamende dzinopikisa mudare iri.

Amai Beatrice Mtetwa
Amai Beatrice Mtetwa

VaSikhala, VaSithole nedzimwe nhengo dzeCCC gumi neshanu vakasungwa kuNyatsime, Chitungwiza vachipomerwa mhosva yekuda kupesvedzera mhirizhonga.

Izvi zvakatevera kupondwa kwainge kwaitwa imwe nhengo yeCCC Muzvare Moreblessing Ali. VaSikhala igweta remhuri yaMuzvare Ali.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG