Accessibility links

Breaking News

Sangano reZimbabwe Council of Churches Rava neMunyori Mukuru Mutsva


Rev Wilfred Dimingu, Secretary General, Zimbabwe Council of Churches
Rev Wilfred Dimingu, Secretary General, Zimbabwe Council of Churches

Mufundisi Wilfred Dimingu, veMethodist Church In Zimbabwe, ndivo vatora chigaro chekuva munyori mukuru wesangano remubatanidzwa wemakereke reZimbabwe Council of Churches.

Kwemakore matanhatu, chigaro ichi chakanga chakabatwa naMufundisi Kenneth Mtata, avo vakatangavo basa svondo rino muchigaro chavo chitsva kumuzinda mukuru wesangano remakereke pasi pose, reWorld Council of Churches, kuGeneva, muSwitzerland.

Reverend Dimingu vanoti pane basa guru rinofanirwa kuitwa, vachiti vemakereke havaiti zvematongerwo enyika asi vane basa rekuona kuti vana vaMwari vagara zvakanaka uye kuvatsvagira nzira dzekuvabatsira.

Mufundisi Dimingu vanoti Zimbabwe Council of Churches yava nemakore mazhinji ichiedza kuyananisa vezvematongerwo enyika muZimbabwe, vachiti basa iri harisi kuitwa nechido chekupindira mune zvematongerwo enyika asi senzira yekuona kuti vanhu vavanoshanda navo vagere zvakanaka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG