Accessibility links

Breaking News

Makambani ekuZimbabwe Oratidzira Zvigadzirwa kuBotswana


Makambani emuZimbabwe anosvika makumi matatu ari kuratidzira zvigadzirwa zvawo pagungano rezviratidzwa re2022 Botswana Global Expo, iro rakatanga nezuro muguta reGaborone uye riri kutarisirwa kupera musi wa4 Mbudzi. Muna 2019 makambani gumi nemashanu kubva kuZimbabwe ndiwo akaenda kunoratidzira pamusika uyu.

Sangano rinoona nezvekutenga nekutengeserana munyika reZimTrade riri kutungamira vemabhizimisi vemunyika kuBotswana rinoti ongororo yarakaita muna 2018 yakaburitsa pachena kuti muBotswana mune mikana yakawanda kune makambani anoita zvekuvaka, chikafu chakagadzirwa kare kana kuti processed foods, zvemigodhi, zvekurima nezvimwe.

Chipangamazano musangano reZimTrade, Muzvare Nozipho Maphala vanoti kushambadzira zvinhu pamusika mukuru wakadai kunosimudzira hupfumi hwenyika kuburikidza nekuwana mari yekunze inodiwa zvakanyanya munyika.

Muzvare Maphala vakakurudzira makambani emunyika kuti atorewo mukana wechibvumirano chakaitwa pakati penyika mbiri idzi muna1988 cheZimbabwe-Botswana Bilateral Trade Agreement.

Chibvumirano ichi chinobvisa mimwe mitero uye kupa kuti kutengeserana pakati penyika mbiri idzi kuve nyore zvikuru pane zvigadzirwa, zvirimwa nezvimwe.

Panyaya dzekutengeserara muAfrica, Botswana iri pachidanho chechina mumashure meSouth Africa, Zambia neMozambique.

Zimbabwe neBotswana inhengo dzeSADC neCOMESA zvinopawokuti kutengeserana kuve nyore.

Amai Sibusisiwe Chitehwe wekambani yeDasfoods Enterprise inogadzira jamhu ichiwanikwa muguta reBulawayo, vaudza Studio7 kuti vari kuona chiedza kunyangwe kari kekutanga kupinda muchirongwa ichi.

Mumwe muzvinabhizinesi anogadzira zvigadzirwa zvematehwe, uyo ari kuratidzira pagungano iri, VaThompson Chinyengetere vanoti vaona kuti vane mukana wakakurisa sezvo vanhu venyika iyi vasingadi kutamba nematehwe kunyangwe hazvo Botswana iine mombe dzakawandisa.

Nyanzvi munyaya dzezvemabhizinesi uye vachishanda vakazvimirira muguta reGaborone muBotswana, VaWilbert Mutoko vanoti hurongwa uhu hunokwanisa kuvhurira vanamuzvinabhizinesi ava mikana mukuru kwazvo sezvo gungano iri richikwezva vanhu vazhinji kubva kumativi mana enyika.

Botswana Investment and Trade Center kana kuti BITC inotungamira hurongwa hwekutengeserana uhu inokwezva vemabhizimisi kubva kunyika dzepasi rino. Hurongwa uhu hwakaparurwa muna 2006.

Hurongwa hwegore rino ndehwe makore gumi nematanhatu kana kuti 16th edition uye uri kuitwa pasi pedingindira rakanangana nekushandisa humhizha nehumhetura mukutengeswa kwezvinhu kuti remangwana rive rakajeka kana kuti “Reimagining our economy for a Better Future Tomorrow through digitalization and the application of robust export led strategies.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG