Accessibility links

Breaking News

Kanzuru Yoputsa Dzimba Dzinonzi Dzakavakwa Zvisiri paMutemo kuOld Tafara


Tafara Demolitions
Tafara Demolitions

Vanhu vakawanda vasara vasina pekugara mumusha weOld Tafara muguta reHarare mushure mekunge vapwanyirwa dzimba dzavo nekanzuru yeguta iri nhasi dzichinzi dzakavakwa zvisiri pamutemo.

Changa chiri chipatapata nhasi mumusha weOld Tafara muno muHarare apo vanhu vanga vachiedza kubvisa midziyo yavo mudzimba dzavo dzanga dzichipwanywa nezvigiredha zvekanzuru yeHarare.

Vamwe vevapwanyirwa dzimba dzavo vakaita saAmai Faresi Nhongonenhema vati havachaziva kana pekutangira sezvo vasara vasina kana pekuisa misoro apo mvura yatanga kunaya. Amai Nhongonhema vati kanzuru yeHarare haina kuvapa nguva yekuti ivo nevamwe vavo vagadzirire kubva zvine chiremerera.

Mukuru anoona nezvebudiriro mukanzuru yeHarare, kana kuti development control manager, VaJames Mazvimba, vati vanhu ava vakavaka dzimba idzi vasina mvumo yekanzuru yavo.

VaMazvimba vatiwo nzvimbo yakavakirwa dzimba idzi yanga isina zvinhu zvakaita semvura nemigwagwa zvinoita kuti ikodzere kugarwa nevanhu.

Asi VaReuben Akili, avo vanoshanda nerimwe remasangano anomirira vagari vemuHarare, reCombined Harare Residents Association, vashora kanzuru yeHarare nekupwanyira vanhu ava dzimba dzavo isina kutsvaga mvumo yekuita izvi kumatare edzimhosva sezvakatarwa mubumbiro remitemo yenyika.

Tsvagiridzo yataita yaburitsa pachena kuti vanhu vapwaniyirwa dzimba ava vakatengeserwa nzvimbo dzekuvakira dzimba nemakoronyera kana kuti ma land barons akasiyana-siyana ayo asiri kubvumidzwa nehurumende.

Zvichakadaro, VaAkili vakurudzira vagari vemuHarare kuti vatevedzere mitemo mukutenga nzvimbo dzekuvakira dzimba pamwe nenzira dzakatarwa mukuvakwa kwedzimba kuitira kuti vasarasikirwe nenguva pamwe nemari dzavo vachivaka dzimba dzinozopwanya.

Kanzuru yeHarare inonziwo yakapwanya zvimwe zvivakwa zvinonzi zvakavakwa zvisiri pamutemo kwaMhishi kuMufakose nezuro. Amwewo mashoko atawana anoti kanzuru ine hurongwa hwekugarisa vashandi vayo munzvimbo dzose dzairi kubvisa vanhu.

Hatina kukwanisa kunzwa kune vakafanobata chigaro chemutauriri wekanzuru, VaInnocent Ruwende, nezvenyaya iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG