Accessibility links

Breaking News

Muzvare Maka Chikowero, Vanodzidza kuWisconsin muAmerica, Voita Zvirongwa zveKusimudzira Vanasikana KuChimanimani


Muzvare Maka Chikowero
Muzvare Maka Chikowero

Mukupemberera zuva remwansikana rakacherechedzwa pasi rese musi wa 11 Gunyana gore rino, mumwe mudzimai wechidiki, Muzvare Maka Chikowero anodzidza kuMadison mudunhu reWisconsin muno muAmerica, mukupera kwaGumiguru akaita zvirongwa zvakasiyanasiyana zvekusimudzira vanasikana kumusha kwake kuChimanimani zvinosanganisira mitambo yenhabvu.

Vanasikana vachitamba nhabvu yemakumo kuChimanimani
Vanasikana vachitamba nhabvu yemakumo kuChimanimani

Muzvare Chikowero vakamirawo pamberi pegungano raicherechedza zuva iri riri pamuzinda weUnited Nations muguta reNew York, achitaura akamiririra vasikana vechidiki panhunha dzavo uye shuviro dzavo sevechidiki.

Vanoti shungu dzavo ndedzekuti vanasikana vechidiki kuZimbabwe vawane izwi nemikana zvakaita sezvinowanikwa kuno kuAmerica, achiti izvi ndizvo zvinoita kuti abatsire zvakanyanya kusimudzira vamwe vake kumusha sezvaakaita kuChimanimani.

Zvimwe zvirongwa zvaanobatsira nazvo vanasikana zvinosanganisira zvekuti vanasikana vazvichengetedze nekusiyana nenyaya dzepabonde kusvika vabva zera, kubatsira mune zvedzidzo, pamwe nekuwanira vasikana zvekushandisa munguva dzavo dzekuteera.

Girls Support Soccer Game in Chimanimani
Girls Support Soccer Game in Chimanimani

Mumwe wevaironga mitambo yanezuro ndi Gogo Christine Mandoringisa - MTC Patron we sangano rinokokerwa na Muzvare Maka Chikowero, avo vanoti chiringwa ichi chakafamba zvakanaka.

Captain, we chikwata che Mutambara High School chakakunda mumitambo iyi, Natasha Mushango anoti vanofara nerubatsiro rwavanowana kubva kusangano ram aka.Captain, we team ye MTC SIRENS, Yolanda Shuhwa anoti hupenyu hwavo sevechidiki hwachinja kuburikidza nerubatsiro rwavanowana kubva kuna Maka ne sangano rake.

Chief Mutambara vachitambidza vasikana vakakunda munhabvu kwa Mutambara Chimanimani
Chief Mutambara vachitambidza vasikana vakakunda munhabvu kwa Mutambara Chimanimani

Blessed Mudhaka- MTC tournament coordinator anomiririra vese vari muhurongwa hwe mitambo iyi, achibva kusangano re Girls and Goals, Blessed Mudhaka- anoti mabasa a maka anosimudzira dunhu ravo nevanasikana chero hake ari kunyika iri kure.

Vaimbove mumiririri mudare rema representatives ku New Hampshire Amai Jackie Weatherspoon vaudza studio 7 kuti havasati vamboona mwanasikana anenge Maka. Maka akatanga kutaura pamaungano e UNITED Nationa ane Makore gumi ekuberekwa. Parizvino anoti ane shungu dzekuramba achibatsira vamwe vake ku Zimbabwe kuti mazwi evanasikana anzwikwe zvakafanira.

Nyaya ina Evans Zininga
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG